Shaya ari muchipatara

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Shaya ari muchipatara George Shaya aine mudzimai wake Agnes Shaya kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nemusi weChipiri svondo rino.

Kwayedza

. . . akadamburwa gumbo

Abel Ndooka naMilcah Nhakura
SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu, George ‘Mastermind’ Shaya, anoti anogamuchira zvakaitika kwaari zvekudamburwa gumbo rake rekurudyi zvichitevera kunetseka kwaakange aita nechirwere chepasi petsoka chinozivikanwa nekuti ganrene.

Achitaura neKwayedza svondo rino ari muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, muHarare, Shaya anoti anoisa zvose mumawoko aMwari.

“Muhupenyu hwedu chinenge chaitika tinofanirwa kuzvitambira. Mwari variko uye hatizvirambe.

“Munhu unofanirwa kugara wakagadzirira zvese zvese muhupenyu zvinogona kuitika,” anodaro.

Paakashanyirwa neKwayedza, Shaya aive ane mudzimai wake – Agnes Shaya – uyo anoti murume wake akange atambudzwa zvikuru nechirwere chaive pagumbo rake apo raingopera nekudyika kubva nekutsoka.

“Baba vange varwadziwa hama, gumbo rakavashungurudza iri saka tiri kutozviona kuti zvakange zviri nani kuti vari bviswe pane kurwadziwa kwavakange vachiita vainaro gumbo racho.

“Iye zvino tinoona kuti vasununguka manje, havacharwadziwe vave kunzwa zvakanaka pane zvavakange vari kunzwa. Isu semhuri tave kungotambira zvakaitika.

“Asi hatidi kunyepa zvakatirwadza nekuti gumbo racho ndiro ravaitamba naro nhabvu, vachiita zvidavado zvavo,” anodaro Agnes.

Anoti murume wake haasi kuzomusiya ari ega uye achamira naye achimubatsira pane zvese zvaanenge achida.

“Mumwe wangu uyu ini ndini ndinomubikira uye kumuwachira, ndicharamba ndakamira naye ndichiona kuti akagara zvakanaka here nekuti panguva ino tinofanirwa kuramba takamira tese.

“Zvakaitika izvi tinongozviisa mumawoko aMwari. Asi vachibuda muno vanofanirwa kuenda kuRehab centre kuti vambonogara vachitariswa nekuti vakangonanga kumba vanogona kunozvikuvadza rimwe gumbo racho,” anodaro Agnes.

Shaya mumwe wevatambi venhabvu vakaita mukurumbira uye munhorondo yemutambo uyu ndiye ega akakwanisa kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year kashanu.

Zvakadai, imwe shasha yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinoti Dynamos FC nemaWarriors, David ‘Yogi’ Mandigora – uyo akadamburwawo gumbo rake muna 2017 nekuda kwedenda regomarara – anoti munhu anofanirwa kugamuchira zvose zvinoitika muhupenyu hwake.

“Muhupenyu munhu anofanirwa kugara akagadzirira zvese nekuti hatizive kuti mangwana unomuka uripi. Zvese zvese zvinogona kuitika uye usingafungire.

“Kana zvaitika sezvandakasangana nazvo zvekugurwa gumbo izvi wotongozvitambira nekuti ndizvo zvinenge zvavepo panguva yacho,” anodaro Yogi.

Anoti achazoshanyira Shaya kumba kwake kana achinge abuda muchipatara.

PIX: George Shaya

Caption: George Shaya aine mudzimai wake Agnes Shaya kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nemusi weChipiri svondo rino.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>