Shaya, ini naPeter tisu toga: Chunga

27 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Shaya, ini naPeter tisu toga: Chunga

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – Moses “Bambo” Chunga – anoti mushakabvu George “Mastermind” Shaya aive shasha uye aiyevedza kuona achitamba mutambo uyu zvekuti hakuna mumwezve ati asvika padanho rake.

Bambo anoti Shaya akasiya amutambidza “chimuti” chekutamba nhabvu iyewo ndokuzotambidza Peter Ndlovu.
“Ukaona munhu wasvika pakupihwa zita rekuti Mastermind unenge uri padanho rekumberi kudarika vamwe vose. Mudhara ange ari kuseri kudarika vamwe vose.

“Tarasikirwa zvikuru,” anodaro Chunga.

Anoti pavatambi vose vakatamba nhabvu muZimbabwe, hakuna anosvika panaShaya.

                           Peter Ndlovu

Anoti Shaya paakasendeka shangu dzake dzenhabvu, akabva atambidza “chimuti” chehunyanzvi kwaari icho akazopawo kunaPeter Ndlovu.

“Munyika muno pakutamba nhabvu, Shaya ndiye ari pamusoro kotevera ini waakapa chimuti, kuchizoti Peter Ndlovu. Hakuna mumwe ati asvika padanho redu tiri vatatu,” anodaro Bambo.

Anoti mukukura kwake, akadzidza zvakawanda kubva kunaShaya uyo waanoti aive nerudo rukuru.

“Mudhara aive nerudo rukuru. Ndakadzidza zvakawanda kubva kwaari, asi chikuru rudo rwaairatidza kwandiri nevamwe vatambi.

Moses Chunga 

“Aida chaizvo kutiona tichisvika kure nemutambo uyu saka aitikurudzira kuti tishande nesimba. Ndakaterera mashoko ake ndikasvika kure nenhabvu,” anodaro Chunga.

Shaya ari kutarisirwa kuvigwa mangwana Muguvoera kumarinda eWarren Hills, muHarare uye Hurumende ndiyo iri kubatsira pakurufu nekuvigwa kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>