Simba, Chegutu Pirates zvakaumburudzana

21 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Simba, Chegutu Pirates zvakaumburudzana Martin Kweza

Kwayedza

Abel Ndooka

SACHIGARO weZifa Northern Region Division One, Martin Kweza, oshora zvikuru mhirizhonga yakaitika kunhandare yeWadzanai kuShamva svondo radarika izvo zvakaona vatambi veSimba Bhora FC neChegutu Pirates vachirwa mumutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament.

Zvimbokoma izvi zvakaitika mushure mekunge Simba Bhora yatungamira mumutambo uyu watambwa maminitsi masere izvo zvakazoona Constantine Tinapi weSimba Bhora naLewis Milanzi weChegutu Pirates vese vachipihwa makadhi matsvuku (red card) kuti vabude mumutambo uyu mushure mekunge varwisana.

Mutambo uyu wakazohwinwa neSimba Bhora 4-0. Achitaura pamusoro pechiitiko ichi, Kweza anoti nhabvu haizi hondo nekudaro vatambi vanofanirwa kutamba zvakanaka uye vachigamuchira zvinenge zvabuda mumutambo kwete kurwisana.

“Hatitarisire kuona vatambi vachirwa munhandare sezvatakaona zvichiitika izvi. Nhabvu haisi hondo, tinoda hunhu hwakanaka nguva dzose,” anodaro Kweza.

Anoti vachagara pasi vozeya nyaya iyi uye vatambi vose vakarwa vachavatemera zvirango zvekubhadhara faindi yemari inotangira paUS$$100 kusvika paUS$200.

“Nyaya iyi tichanyatsoizeya zvakasimba uye vanenge vabatwa nemhosva tichavabadharisa faindi yemari inobvira paUS$100 kusvika US$200,” anodaro Kweza.

Zvakadai, mune mumwe mutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament wakatambwa svondo radarika, Herentals Under-20 yakakunda Black Mambas 4-3 kumapena zvichitevera kupera kwawakaita uri mangange 1-1.

NeMugovera svondo rino, chinenge chakachaya kuBaobab Stadium uko Golden Eagles ichabandana neNgezi U19 muquarter-final yeAxis Solutions Super Cup kuchiti musi weSvondo kuTrojan Mine kuBindura kunenge kusingadanwe anonzwa apo Commando Bullets ichasangana neTrojan Stars.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>