Simbisai miviri

22 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Simbisai miviri Abel Chimukoko

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumujaho wekumhanya wemarathon Abel Chimukoko anoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachiita mitambo yakasiyana yekuchengetedza miviri yavo sezvo zvichibatsira kuti vasabatwe nezvirwere zvakasiyana.

Chimukoko, uyo vazhinji vanomuziva saMr Madrid zvichitevera kugara kwaakaita kunyika yeSpain kwemakore akawanda achikwikwidza mumijaho yemarathon, anoti panguva ino yekurwisana neCovid-19 vanhu havafanirwe kungogara vasingaite mitambo yekusimbisa muviri.

“Munhu kungoswera wakagara hakuna kunaka chokwadi, unodhererwa nezvirwere zvakasiyana. Saka munhu gara uchiita tumitambo twakasiyana twakafanana nekumhanya marathon kana kuenda kugym kuti usimbise muviri wako,” anodaro.

Chimukoko anoenderera mberi achiti, “Chandinoziva ndechekuti hatingati kumhanya kana kuita mitambo yekusimbisa muviri kunobatsira kuti usabatire coronavirus nekuti hazvisati zvazivikanwa asi twumitambo utwu tunobatsira kusimbisa muviri wako uye munhu haumboenda kuchipatara pose pose, chipfuva chako chinenge chakasimba,” anodaro.

Mitambo mizhinji pari zvino yakamiswa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chimukoko anoti kuuya kwedenda iri kwapa chidzidzo chikuru kuvatambi vemitambo yakasiyana pamwe chete nekune veruzhinji chekuti  zvakakosha kurongera remangwana.

“Fundo inokosha chaizvo, ini ndinotokurudzira vanoda kuita zvemitambo kuti ngavatange vaita zvemabhuku vadzidze nekuti zvinozovabatsira mune remangwana. Kana usina kudzidza ukangopinda mune zvemitambo kurongeka kwacho kunozonetsa, ndipo paye unozonzwa kuti munhu yaive nyanzvi asi haana chaanacho, mari yese yaingorakashwa isingachengetedzwe.

“Saka ngatikoshese fundo uye mari yatinohwinha kumitambo ngatiichengetedzei nekuita tumabindauko tunozobatsira mangwana muhupenyu hwedu kana zvaoma sezvazvakaita iye zvino nekuda kweCovid-19,” anodaro Chimukoko.

Kubva akasendeka kukwikwidza mumijaho mikuru, Chimukoko akapinda muhutungamiri hwemitambo.

Pari zvino ari mubhodhi reZimbabwe Olympic Committee uye anoshanda zvekare semupurisa kuZimbabwe Republic Police (ZRP).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>