Siyanai nemaboozer: Stix

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Siyanai nemaboozer: Stix Stix Mtizwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu, Stanford “Stix” Mtizwa, anoti vatambi vezvikwata zviri muPremier Soccer League vanofanirwa kusiyana nekatsika kekutamba mitambo yekubheja mari yemaboozer panguva ino apo mitambo yose yakambomiswa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvigona kukanganisa remangwana ravo.

Stix anoti kana vatambi ava vakakuvara vachitamba mitambo iyi zvisingazivikanwe nezvikwata zvavo zvichavakanganisa nekuti vonogona kushaya anovarapisa.

“Panguva ino zvinhu zvakaoma, tese tiri kuzviziva asi ini ndinoyambira vatambi kuti ngavachengetedze miviri yavo nekuti kana nhabvu ikazonzi yadzoswa vanenge vakagadzirira. Vari kudzimba dzavo vanotoita gadziriro dzavo dzese dzinodiwa nezvikwata zvavo vakatopedza.

“Asi ngavasiye tsika yavari kuita nekuti tiri kunzwa kuti kune vamwe vave kuita zvekutamba mitambo yekubheja mari kana kuti maboozer. Itsika yakashata kutamba mitambo iyi usina kupihwa mvumo nechikwata chako nekuti ukakuvara ikoko chete zvinokuomera, unoshaya anokurapisa,” anodaro Stix.

Stix, uyo ave kushanda kuchikwata cheBlack Rhinos basa rekuongorora vatambi vekune zvimwe zvikwata (chief scout) anoti ino ndiyo nguva yekuti masangano anotungamira nhabvu ashandise mukana uyu kugadzirisa zvose zvinokanganisa kusimukira kwemutambo uyu.

Anoti sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) rinofanira kubatsira zvikwata zvose nemari kuti zvifambise mabasa azvo.

“Zvikwata zviri kuremerwa izvo ndiri kuzvionerawo ndega. Saka Zifa inofanira kupindira yobatsira zvikwata zvese nemari nekuti vatambi vanodawo mari yekuzvichengeta nemhuri dzavo.

“Zvasiyana nekare apo taiziva kuti taienda kumabasa uye kana tabva kubasa toenda kubhora, iye zvino vatambi vakutamba bhora chete. Saka kana vasiri kutamba nhabvu yacho hapana mari yavanenge vachiwana. Naizvozvo vanoda kuchengetwa vanoda mari saka Zifa ngaipindire idire mari yakabva kuFifa.

“Fifa yakapa nyika dzose mari kuti dzibatsirikane panhabvu saka mari iyoyo ngaishande kubatsira zvikwata zvemuno zvese,” anodaro.

Stix anozivikanwa achitambira chikwata chenyika chemaWarriors nezvikwata zvinosanganisira CAPS United neBlack Rhinos.

Kubva zvaakasendeka kutamba nhabvu, akazotanga kurairidza izvo zvakamuona achimborairidza Black Rhinos.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>