Uncategorized

Smart haitangire mutsoka, asi mupfungwa

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA  naIgnatius Mabasa
SAKA kune vanhu vari kuti veGender Commission vakatadza nekuti vakati mamwe mapfekero evanasikana ane dambudziko? Ini semudzidzisi wezvekufambiswa kwemashoko payunivhesiti, ndinoziva kuti mapfekero emunhu imwe nzira yekutaura nayo.

Semudzidzisi, ndakambogarirwa padesk nemwanasikana akapfeka mini inosiya injini panze. Ndakamboshayiswa kwekutarisa nekuti mwana wechikoro wandaitaura naye akanga auya mazamu ake achipepeterwa kumeso kwangu zvekuti hundi yawo yainditosvora.

Kukanganiswa kwangu semudzidzisi hakuna basa nekuti mwanasikana ane kodzero yekupfeka zvaanoda. Kana ndikamutsiura zvonzi waita Sexual Harassment, ko ini kuharaswa kwangu hakuna basa nhai?

Gender Commission haisi kudira mavhu, asi iri kumira pabasa rayo sekutsanangura kweBumbiro reNyika kuti nyika isadonhe. Mapfekero anofanira kuenderana nenzvimbo kwete nekodzero. Kuziva miganhu kana kuti pekuperera chinhu chakakosha.

Bhaibheri robva rati, “usabvise miganhu yekare yakaiswa nemadzibaba ako.”

Asi pakati pedu paita vanhu vari kurarama nekupaza tsika dzedu vatema nekuti vakaudzwa kuti zvinhu zvevanhu vatema zvakasaririra. Vari kuvavarira kuti tifanane neAmerica, Britain nedzimwe nyika dzevachena. Tiri kukwereta zvese-zvese, asi VaRungu vatiri kutevedzera vatonetawo nekushaya hunhu kwavo.

Ko isu tave vanhu verudzii kana tisisakwanise kunongedzera kana kutaura zvinhu zvisina tsika nehunhu nekuti tiri kuti kodzero dzine kodzero yekutsokodzera zvakakosha zvetsika dzedu? Saka muri kuti Gender Commission yakakanganisa kuti kupfeka kwekuti munhu anenge asina kupfeka munzvimbo dzeruzhinji uye dzine chiremera kwakaipa?

Yunivhesiti inzvimbo inodzidziswa vanhu kufunga, kuziva nekugona kuti vanhu vave smart, kwete smart inotangira mutsoka, asi inotangira mumusoro kuti vabatsire nyika yavo.

Kana mapfekero emunhu asina basa, nemhaka yei matare edzimhosva achirambidza vamwe vanhu kuti vasapinde mudare nekuti kupfeka kwavo hakukodzere chiremerera chedare? Kana matare edzimhosva ari iwo anoona nezvekushanda kwemitemo, saka toti matare iwayo ari kutyora kodzero dzevanhu nekurambidza vanhu vasina kupfeka zvakakodzera kupinda mudare? Ko idzo kodzero dzatazonyanya kuda idzi, asi dzichitsokodzera tsika nehunhu hwedu dziri kutiendesa kupi?

Ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe, uye zvakaoma kutevera munhu asiri kuziva kwaari kuenda. Pabvaruka panoda kukurumidza kusonwa mubvaru usati waenderera mberi.

Kunzwisisa kwangu nyaya yeGender Commission yakanga isiri yekurambidza vanhu kupfeka zvavanoda sezvavanoda, asi inyaya yekuti kupfeka ngakuve kwakakodzera nzvimbo. Kodzero dzekuti vakadzi vasununguke kupfeka zvavanoda nyangwe vachishandisa kupfeka ikoko kupfekenura vanhurume, ikodzero dzakaora nekuti dzinotarisa divi rimwechete.

Ini ndiri munhu ane hunhu, anokoshesa tsika, kuzvibata nekuzvidzora, asi imi munoti zvakanaka kuti ndimanikidzwe nemumwe munhu ari kuda kundidyisa mutupo wangu.

Mwari vakandidzidzisa kuti, “Udza huchenjeri kuti, ‘Ndinokuda,’ uye ugoudzawo kunzwisisa kuti, ‘Uri chido chemwoyo wangu. Imi muri vaviri ndichengetedzei, uye ngatisazofa takasiyana!’ Nekuti huchenjeri nekunzwisisa zvinokunzvengesa kubva kumahure.

Rimwe zuva mumadeuka zuva, rima parakanga rave kunotibikira nyika, ndakaona mumwe mukomana akapusa akanga ave kuda kushandiswa sebepa remuchimbuzi. Mukomana akavingwa nemukadzi pfambi akatsanangurwa muBhaibheri achinzi aive akapfeka mupfekero unodonhedza chero murume upi zvake akasimba. Kumwe kupfeka kune mweya yerima mukati.

Kana mati Gender Commission yakatadza, chivhurai magedhi imbwa dzibude, asi munokuvadzisa vana nekukanganisa nyika neramangwana. Gender Commission haina kuti iri kuda kupfura vanhu, asi iri kupfirira denga reZimbabwe riri kubvinza. Zimbabwe, ngatichengetedzei tsika nehunhu, tive vatsvene nekuti kunze kweJerusarema ndiko kunembwa, mhombwe, varoyi nevarevi venhema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>