‘Squad yakanaka asi. . .’

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Squad yakanaka asi. . .’ Lazarus Muhoni

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA dzakambonetsa dzichitambira maWarriors pamwe nevaongorori vemutambo uyu vanoti chikwata chaSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa icho chakasarudzwa kuti chinomirira nyika kumutambo weAfrica Cup of Nations chakanaka kunyangwe zvazvo vamwe vatambi vakaita saWillard Katsande naCosta Nhamoinesu vaifanira kuvewo muchikwata ichi.

Svondo rino, Mhofu akadoma vatambi 34 avo vachapinda mukembi umo vachatanga gadziriro dzekuenda kumakwishu aya. Mutambo uyu uri kutanga nemusi wa11 Chikumi apo Zimbabwe ichatamba neEgypt, kuCairo.

Lazarus Muhoni – uyo akanwisa chibodzwa chakaendesa maWarriors kumakwishu ekutanga eAFCON mugore ra2004 kuTunisia – anoti chikwata ichi chakanakisa zvikuru asi Mhofu angadai akashevedzawo Katsande sezvo ruzivo rwake rwenhabvu rwaizobatsira zvikuru mumutambo uyu.

Katsande ndiye aive kaputeni wemaWarriors kuAFCON yakaitirwa kuGabon uye kugumurwa kwakaita chikwata ichi akabva asendeka shangu dzake achiti anoda kupa vechidiki mukana wekuti vatambewo. Asi pakurwira kuenda kumakwishu egore rino, akamboshevedzwa kamwechete naChidzambwa apo maWarriors akaita mangange 1-1 neDemocratic Republic of Congo.

Muhoni anoti Katsande aigona kushanda basa guru pakumaka Mohamed Salah weEgypt zvekuti aimushaisa mukana wekuita zvidobi-dobi zvake apo zvikwata zviviri izvi zvichasangana.

“Willard Katsande ange achidiwa muchikwata ichi nekuti ndiye ega kubva muZimbabwe akasimba bhonzo uye ane ruzivo rwemutambo uyu sezvo akamboenda kuAFCON kare. Mwedzi yadarika, ange achitamba zvinonwisa mvura kuKaizer Chiefs kwake kuSouth Africa saka anokodzera kuve ari muchikwata ichi. Apa tichitarisa mitambo hedu, haina kuchipa nekuti tiri kusangana neshasha chaidzo dzakaita saMohamed Salah. Katsande ndipo paaigona kushanda basa guru kumunyararidza nekuti Katsande haakusiye uchienda,” anodaro.

Anoti vamwe vatambi vari muchikwata ichi vakaita saThabani Kamusoko naDanny Phiri – avo vakasarudzwa kuti vatambe pachinzvimbo chaKatsande – vanogona kubata basa sebasa.

“Asi tichitarisa hedu vamwe vatambi varimo vanofadza zvavo vakaita saThabani Kamusoko uyo ari kutambira kuDRC kana Danny Phiri. Kamusoko ini ndinomufarira, kuDRC ange achitamba nhabvu inonwisa mvura uye muviri wake mukuru ndewenhabvu chaiwo. Zvikwata zvatinenge tichisangana nazvo zvine vatambi vakuru saka tinofanirwawo kuita vedu vakakura kuti zvitibatsire pakuhwina mabhora,” anodaro Muhoni.

Shasha yekuongorora nhabvu Charles “CNN” Mabika anorumbidza chikwata ichi achiti chakagona kubatanidzwa sezvo chiine vechidiki pamwe nevamwe vave nenguva ndefu vachitamba.

Asi, anoti Mhofu angadai akashevedza Nhamoinesu anove mumwe wevatambi vemaWarriors vakuru vane ruzivo rwakanyanya rwenhabvu sezvo ave nemakore akawanda achitambira kuEurope.

Masvondo adarika, Nhamoinesu akabuda pachena kuti asendeka kutambira maWarriors, asi Mabika anoti Mhofu aifanirwa kugara pasi naye omuudza kuti anoda kumutambisa nekuda kweruzivo rwake rwaanarwo rwenhabvu.

“Chikwata chakabatana nekuti chine vechidiki nevakuru, zvinove zvatinoda asi Costa Nhamoinesu ange achidiwa. Nhamoinesu anodirwa ruzivo rwake uye rwaishanda apa nekuti mitambo yedu haina kuchipa. Ndiye wandinoona aigona kudzikamisa vechidiki munhandare kana chabvondoka,” anodaro Mabika.

Aimbove mubati wepagedhi wemaWarriors neDynamos, Japhet ‘ShortCat’ Mparutsa anoti nguva ino ndiyo yekuvaka chikwata chemaWarriors chichazonetsa makore mashanu kana gumi anotevera.

“Tinofanirwa kutarira kumberi kune remangwana redu, tovaka chikwata icho chichatibatira basa kwemakore mashanu kusvika gumi anotevera.

“Dai ndirini ndiri panyanga, ndaitumira vechidiki vane makore ari pasi pe20 ne23 okuberekwa, tovasanganisa nevashanu kana vatanhatu vagara vachitamba muchikwata ichi kuti vabatsire vechidiki avo vanenge vasarudzwa,” anodaro ShortCat.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>