Tagadzirira show: ZAS

23 Aug, 2023 - 09:08 0 Views
Tagadzirira show: ZAS Dr Matibiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dzeshoo yevarimi ye113th Zimbabwe Agricultural Show (ZAS) dzasvika padanho repamusoro apo makambani anodarika 460 uye mamwe mapoka akazvimirira akatonyoresa kuti awane nzvimbo dzekuratidzira ikoko.

Shoo yegore rino ichaitwa kubva nemusi wa28 Nyamavhuvhu kusvika 2 Gunyana pasi pedingindira rinoti, “Budiriro Inoendeka: Kuvandudzika Nzira Dzekurima kune Pundutso”.

Chamangwiza weZAS, Dr Andrew Matibiri, vanoti gadziriro dzeshoo yevarimi dzegore rino dzava padanho repamusoro.

Vanoti makambani 189 pakati pe460 akatobhadara mari yekupinda mumakwikwi ekuratidzira zvirimwa nemidziyo yakatsaukana.

“Gadziriro dziri kufambira mberi zvakanaka, kukura kwenzvimbo ichashandiswa kwakangoenzana nekwegore rapera uye tiri mushishi kunhadzurudza zvimwe zvezvivakwa nekudyarawo maruwa kuitira kuti masitendi edu ange akanaka. Tiri kukurudzira kuti kune vese vasati vabhadhara mari dzenzvimbo dzavanoda kuzoshandisa mukuratidzira vagare vabhadhara nekuti nguva iri kutofamba,” vanodaro.

Zvimwe zvezvaiitika pashoo yegore rapera

VaTawonga Miriyoni, avo vanova head of programmes and public affairs kuZAS, vanoti zvakakosha kuti varimi vatevedze nzira dzinobatsira mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze kuti vange vachibudirira.

“Tine hurongwa hwekuita misangano inodarika mishanu nevarimi tichivadzidzisa nzira dzekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze dzakadai sekugadzira mifushwa yemiriwo kana kuvandudza zvavanorima vachiisa mumagaba kuitira kuti zvigokwanisa kushandiswa munguva inotevera pasina kuora. Kusanduka kwemamiriro ekunze kunogona kuuya nenzira yekuwandisa kwemvura kana kushomeka kwayo nokudaro murimi akangwara haashayi bhizimusi panguva iyi nekuti anenge akatoomesa zvirimwa zvake.

“Kushandiswa kwemadiridziro kwakakosha zvekare nekuti zvinobatsira kuti varime kwegore rose pasina zviya zvekumirira mwaka wemvura yemudenga,” vanodaro.

Varimi vanokurudzirwa kuunza zvirimwa nezvipfuyo zvavo zvakadai semombe, hwai, nguruve, huku nezvimwe zvinoratidza hunyanzvi hwavo hwekurima.

Hurumende iri kuita mabasa makukutu ekusimudzira nyaya dzekurima nezvirongwa zvakadai seNational Enhanced Agricultural Production Scheme uye Pfumvudza.

Zimbabwe ine mukurumbira wekurima uye ine tarisiro yekuti chikamu chezvekurima chichasimukira kusvika pahukoshi hweUS$8,2 bhiriyoni muna2025.

Share This:

Sponsored Links