Uncategorized

‘Takaviga munhu ari mupenyu’

13 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BABA vemurume wekwaMusana uyo anonzi akafa, mutumbi wake ndokuzosanduka kuita sewemhuka apo wainge wave mubhokisi, vanoti mwana wavo akavigwa ari mupenyu.VaBenard Muganhiri (61), vanoti mutumbi wemwana wavo, Claudious, wakaita masaramusi apo waibuda mvura nemukanwa uye muromo uchitamba-tamba.

“Zvekuti mwana akasanduka kumeso kwake kuita sekwemhuka hamheno maonero evamwe. Chandinoziva ndechekuti muromo waClaudious waitamba-tamba uchibuda mvura. Tinogona kunge takaviga munhu mupenyu nekuti ndina babamudiki vangu — VaMugadza — avo vakafa vakazomuka mubhokisi ndokuzorarama kwemakore akawanda,” vakadaro VaMuganhiri.

“Chinondirwadza ndechekuti ndakazopumwa huroyi nehama dzangu, kusanganisira mukadzi wangu chaiye, kuti ndini ndakauraya Claudious mwana wandaida zvikuru.

“Vanhu ava vakaronga nemuporofita vakauya kuno kuHarare vakavhura mu‘ceiling’ ndokutora ivhu ravaiti ndiro raiva mutumbi waClaudious. Muporofita uyu akapinda muceiling’ akazobuda nekabhodhoro ndokuzochera kugedhi uko akatora matombo nepadivi pemba paakati chidzindadzi chaivapo yaiva nyoka. Iyi inyaya yakarongwa,” vakadaro.

Vanoti havana chekuita nekufa kwemwana wavo.

“Nyaya yose yekuti ndiri muroyi pamusaka pekupesana uko takaita. Takanetsana nekuda kwenyaya yakapinda mudare raShe Musana muna1999, nyaya yevanhu vakanochera guva remukoma wangu vaine muporofita.

Vakabvuma izvi mudare vakanzi varipe mombe inotsika,” vakadaro VaMuganhiri vachiratidza vatori venhau tsamba yekudare rashe.

Vanoti vachakwidza kwashe nyaya yekuti vakanangwa huroyi vachinzi ndivo vakauraya mwana wavo.

Mwanakomana wavo, Constantine Muganhiri, akaramba kutaura nevatori venhau achiti hapana chazvichabatsira sezvo munin’ina wake akafa kare.

Asi Mai Muganhiri vakaramba nyaya yekuti vakamboendeswa kudare raShe Musana.

“Nyaya inotaurwa nababa ava manyepo chaiwo, hakuna zvakadaro. Dzimwe nguva vave kuda kurasa njere.  Tsamba yacho yekwaShe Musana ine chidhindo here yamakaratidzwa?” vakadaro.

Zvisinei, tsamba ine Kwayedza ine chidhindo chekwashe nemazita evanhu vana vakatongwa.

Ishe Musana, VaJoel Nyarumwe, vakatsinhira nyaya yekuunzwa kudare kwevanhu vekwasabhuku Mugabe nekuda kwekutamba neguva avo vakazotongwa vakaripiswa.

“Nyaya yemadzimai akatongwa mudare rino mugore ra1999 ini ndakanga ndisati ndava ishe sezvo ndakagadzwa mugore ra2006 asi ndinoiziva. Yangu yandiinayo nhasi ndeyekuti vanhu vekwaMuganhiri vaifanirwa kundizivisa nezvemashura ekusanduka kwemutumbi wemunhu kuita mhuka.

“Vakamuviga sei ini ndisina kuziva? Chipini ichocho, ndichavashevedza kudare rangu nemusi wa21 mwedzi uno (Kurume). Kana vakatadza kundibata vangadai vakaendesa mashura aya kwaheadman Chikosha kana kwaChikore,” vakadaro.

Muporofita wechechi yeNguwo Tsvuku, Abraham Charamba (18), anoti kusanduka kunonzi kwakaita mutumbi waClaudious kuita sewemhuka zvinokonzerwa nemishonga yechivanhu. Mashoko ake akatsinhirwa naMadzibaba Benjamin Maseko (24) vechechi imwe chete iyi.

Mumwe muporofita zvakare, Madzibaba Ralph Jiri (24), vanoti mushakabvu anogona kunge akabata mishonga oga kana kuti akashereketerwa nehama dzake.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>