Uncategorized

Tangai ongororo dzeCovid: WHO

14 Dec, 2020 - 00:12 0 Views
Tangai ongororo dzeCovid: WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi
SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti zvakakosha kuti nyika dziite ongororo yekuona huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 asi vasina zviratidzo zvedenda iri zvinooneka.

Rinoti izvi zvichibatsira mukuziva kuti masoja emuviri anokwanisa kurwisa zvakadini chirwere ichi uyewo nekuti kana vanhu vakazobaiwa majekeseni ekuchidzivirira (vaccine) mushonga wacho unoshanda kwenguva yakareba sei.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland — Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO — vanoti pasi rose richiri nezvakawanda zvekudzidza pamusoro peCovid-19.

“Zvakakosha kuziva kuti vanhu vangani vari kubatwa nechirwere ichi pasina zviratidzo zvinoonekwa nekuti izvi zvinobatsira kuti tizive kuti muviri unorwisa sei chirwere ichi. Kuti izvi zviitwe, ongororo yakakosha uye izvi zvagara zvichiitwa nedzimwe nyika,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tichiri kudzidza kuti muviri unoita sei kana munhu abatwa nechirwere ichi nekudaro ongororo yemhando iyi inobatsira zvakare kuti tizive kuti kana munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere ichi rinoshanda kwenguva yakareba zvakadini.”

Dr Tedros vanoti pari zvino nyika 60, kusanganisira dzichiri kusimukira, dziri kuita ongororo yemhando iyi.

“SeWHO, tiri kubatsira neruzivo nezvimwe pakuitwa kweongororo idzi,” vanodaro.

Votaura pamusoro pejekiseni rekudzivirira Covid-19, Dr Tedros vanoti zvakakosha kuti nyika dzive nehurongwa hwakajeka maringe nevanhu vachazobaiwa majekiseni aya.

“Apo nyika dziri kuronga kugovera mushonga wemujekiseni uyu kwemasvondo anotevera kana mwedzi inotevera, tinodzikurudzira kuti dzikoshese vanhu vari panjodzi yekubatwa nezvirwere zvakasiyana nevakwegura. Zvakakosha zvakare kubaya majekiseni aya kuvashandi vezveutano vari pamberi panyaya dzekurwisa chirwere ichi. Zvose izvi zvinofanirwa kuitwa pachitevedzwa zviri mumagwaro eWHO. Izvi hazvizi zvinhu zviri nyore kuita uye zvinoda kudzamisa pfungwa.

“Chikwata chevanogona kuzotevera pakubaiwa majekiseni aya ndechevanhu vari panjodzi yekubatwa neCovid-19 uye varombo,” vanodaro Dr Tedros.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>