Taona moto: Chibhodhoro

08 Jun, 2021 - 18:06 0 Views
Taona moto: Chibhodhoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA yemumhanzi nekuita mitambo yemadhirama, John “Chibhodhoro” Muyambo, anoti ari kukwangwaya nemhuri yake sezvo pari zvino kuita mashoo kusiri kutenderwa nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chibhodhoro (70) akaita mukurumbira makore adarika munyaya dzemadhiraima nedzimwe nyanzvi dzinosanganisira mushakabvu Safirio “Mukadota” Madzikatire uye anoridza ngoma (drums) kuchikwata chaTanga Wekwa Sando.

“Chirwere cheCovid-19 chakauya isu vaimbi nevamwe vanoita zvemadhirama tichitatarika kuti zvinhu zvedu zvibudirire. Nekuda kwedambudziko rechirwere ichi, takabva tagarwa matunduru uye kana kwekutsukunyuka tichienda hakuna.

“Mhuri dzedu dzave kufa nenzara sezvo mitemo iripo isingatibvumire kuunganidza vanhu tichiridza mhanzi kana kuita madhirama. Kutaura idi taomerwa,” anodaro Chibhodhoro.

Anoenderera mberi achiti, “Pakauya chirwere ichi muno mugore ra2020 takabva tasungwa mbira dzakondo. Kurarama kwedu sevaimbi nevemadhirama mari yedu inobva muvanhu.”

Anoti kune vamwe vaimbi vakura vari mubasa iri avo vatochembera vasina chavainacho.

“Chirwere ichi hachina zera, isu vanaChibhodhoro ndasvika makore 70 ekuberekwa. Hachisarudze kuti uyu munhu mukuru kana kuti mudiki, chinobata chete.

“Saka tinotevedza mitemo yose yakatarwa neHurumende yekudzivirira chirwere ichi. Asi chikumbiro chedu ndechekuti dai Hurumende yationawo tarega kuparadzirwa dzimba dzedu nechirwere ichi nenzara,” anodaro.

Chibhodhoro anoti denda iri harizivikanwe kuti richapera rinhi nekudaro upenyu hwavo sevaimbi hunogona kuramba huchioma.
“Ini ndakura ndiri munyaya dzemumhanzi idzi, fungai ndadarika makore makumi mashanu ndiri mumagitare pasina chinooneka chakabuda kunze kwezvishoma zvandinazvo.

“Kurudziro yangu kune vamwe vangu vaimbi ndeyekuti tisatarise basa redu chete nekuti nekuda kwechirwere cheCovid-19 handione tichikurumidza kusunungurwa kuti titange kuimba. Ngatitsvagei zvimwe zvekuita kungava kupfuya huku kana kutengesa zvinhu zvakasiyana mumigwagwa chaiko nekuti tikasadaro mhuri dzedu dzinofa nenzara,” anodaro Chibhodhoro.

Share This:

Sponsored Links