. . . tapihwa chidzidzo chikuru

14 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
. . . tapihwa chidzidzo chikuru

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

GURUKOTA rezvemaindasitiri nenyaya dzekutengeserana, Dr Sekai Nzenza, vanoti denda reCovid-19 rapa zvidzidzo zvakawanda kune vemaindasitiri uye nenyika izvo zvaona pachive nezvigadzirwa zvitsva zvakawanda pamwe nekushandiswa kwenzira dzechizvino-zvino dzinosanganisira dandemutande pakuitwa kwemisangano nezvimwe.

Dr Nzenza vakataura mashoko aya apo vaive muenzi mukuru pamusangano wevakuru-vakuru vemakambani wegore ra2021 uyo wakarongwa nesangano reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) muguta reHarare svondo rapera.

Dr Nzenza vanokurudzira vemakambani vemuZimbabwe kuti vagadzire midziyo yemhando yepamusoro-soro kuitira kuti ikwanse kukwikwidza pamisika yemuno neyekunze.

Vanoti makambani mazhinji muno nekuda kweCovid-19, ave kukwanisawo kutengesa zvigadzirwa zvawo nekukwezva vatengi kuburikidza nedandemutande.

“Covid-19 yakatidzidzisa kudzamisa pfungwa mukuita zvinhu zvedu. Izvi zvakaita kuti pagadzirwe zvakawanda zvekubatsira kufambisa indasitiri zvechizvino-zvino zvakaita kuti makambani awedzere zvavanogadzira nekuita nechinangwa chekushanda neveruzhinji zvichifambirana nenguva apo vanhu vakanga vasingatenderwi kufamba-famba kana kuenda kumabasa. Vemakambani vazhinji, vakaratidzawo rudo kupfurikidza nekubatsira nemabasa nezvekushandisa pachena. Ndinoda kutenda zvakanyanya vemakambani vakabatsira nenzira dzakasiyana-siyana nechinangwa chekuderedza kupararira kwedenda reCovid-19,” vanodaro Dr Nzenza.

Mukuru weCZI, VaKurai Matsheza, vanoti musangano wegore rino wevakuru vemakambani uyu waitwa mushure memakore maviri usingaitwe nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Denda iri rakanganisa zvakanyanya kushanda kweveruzhinji uye kuti indasitiri ifambe zvakanaka. Makambani mazhinji pasi rose akakanganiswa nechirwere ichi uye mamwe akatovhara. Zvakadaro, muZimbabwe bhizimisi richiri kufamba zvisinei nekuda kwematambudziko aya. Makambani ari kuvandudza mashandiro aanoita uye kushandisa nzira itsva dzekutengesa nekukwezva vatengi. SeCZI, tiri kuramba tichingokurudzira vemakambani kuti vaite kuti vashandi vavo vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 sezvo iri nzira yekuderedza kupararira kwedenda ranetsa iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links