Tasuwiswa zvikuru nerufu rwaSB Moyo

21 Jan, 2021 - 12:01 0 Views
Tasuwiswa zvikuru nerufu rwaSB Moyo Dr Moyo

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti vasuwiswa zvikuru zvichitevera rufu rwegurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose, Dr Sibusiso Moyo, avo vashaya nechirwere cheCovid-19 mangwanani eChitatu chino.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru kumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, VaGeorge Charamba, vanoti nyika ichaziviswa zvakawanda pamusoro perufu urwu nekufamba kwenguva.

“Mutungamiriri wenyika President Cde E.D. Mnangagwa vanosuwa zvikuru nekuzivisa nezverufu mangwanani ano rwaDr S.B Moyo, gurukota redu renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose. Gurukota iri rashaya nekuda kweCovid-19 pachimwe chipatara chemuno.

“Nyika ichaziviswa zvakawanda nekufamba kwenguva zvichitevera rufu rwegurukota iri iro range riri mhare yeuto uye murwi wehondo yerusununguko,” vanodaro VaCharamba.

Rufu rwaDr Moyo rwunotevera rwegurukota reHurumende raimirira dunhu reManicaland, Cde Ellen Gwaradzimba, nevamwe vanhu vakawanda vafa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links