Tauya zvachose muPSL: Zaire

01 Mar, 2024 - 12:03 0 Views
Tauya zvachose muPSL: Zaire Chikwata cheChegutu Pirates chemwaka wadarika

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheChegutu Pirates — icho chinonyanya kuzivikanwa nekunzi Zaire — chinoti chauya zvachose muPremier Soccer League uye chicharwa semvumba mwaka uno.

Mwaka wenhabvu weCastle Lager Premiership wegore rino uchatanga nemusi wa9 Kurume apo pachaona makara asingaonane Highlanders FC neDynamos FC zvichitatsurana mumutambo uyu.

Asi maziso ose achange ari pazvikwata zvitsva zvakapinda muPSL zvinosanganisira Chegutu Pirates, TelOne FC, Arenel Movers neZIFA Eastern Region Soccer League Champions.

KuEastern Region Soccer League kuchiri kunetsa kuti ndechipi chikwata chichapinda muPSL mwaka wa2024 pakati peBikita Minerals neTenax sezvo pane nyaya yakaitika gore radarika iyo yange ichiri kuongororwa.

Muhurukuro neKwayedza, munyori mukuru weChegutu Pirates, Bright Mukotami, anoti chikwata chavo chauya zvachose muPSL.

“Hatina kupinda muPSL kuti tingowedzerawo mazita chete, kwete, asi tauya kuzorakidza kuti tinotozivawo zvatinoita munhabvu.

“Isu ticharwa semvumba kuti tirambe tiri muPSL, hatisi kuzobuda zvekumhanya, izvo tiri kuvimbisa zvimwe zvikwata.

“Hongu, pano neapo pane zvange zviri kutinetsa asi chandinoziva ndechekuti tagadzirira mwaka wedu wePSL uye tinoda kuti chikwata chedu chirambe chichikura tichiwana vatsigiri vakawanda,” anodaro.

Chegutu Pirates yakapinda muPSL sezvo iriyo yakapedza iri pamusoro muNorthern Region Division One, iri pamberi pezvimwe zvikwata zvinoti Black Mambas, Harare City FC, Herentals U20 neMWOS FC.

Svondo radarika, PSL yakazivisa kuti mwaka mutsva wenhabvu uchatanga musi wa9 Kurume mushure mekunge vapedza kuongorora kuti nhandare dzese dziri padanho rinotenderwa here kutambirwa mitambo iyi.

Kudzai Bare

Muchinyorwa, mukushi wemashoko wePSL – Kudzai Bare – anoti vari kutarisira kuona mitambo yenhabvu yepamusoro ichitambwa gore rino.

“Vese vane chekuita nenhabvu munoziviswa kuti mwaka wa2024 Castle Lager PSL Championship uchatanga musi wa9 Kurume 2024. Izvi zvaitwa nechinangwa chekuti tione kuti tine nhandare dzakachengetedzeka here uye dzinokwana kutambirwa mitambo yeCastle Lager PSL.

“Tinotarisira kuona mitambo yepamusoro inonakidza yemwaka wa2024,” anodaro Bare.

Gadziriro dzemwaka mutsva uyu dzakatanga svondo radarika apo pakaona Ngezi Platinum Stars shasha dzePSL ichisangana neDynamos FC mumutambo weCastle Challenge Cup uyo Madamburo yakahwina 2-0.

Mutambo uchatambwa pazuva rekutanga remwaka mutsva, Bosso ichange iri pamusha payo apo ichasangana neDeMbare pamutambo weBattle of Zimbabwe.

Svondo radarika, sachigaro wePSL – Farai Jere – akabuda pachena kuti vakaronga kuti mutambo uyu utambwe pazuva rekutanga sezvo vatsigiri vezvikwata zviviri izvi vachinzi vanogaroita mhirizhonga pese pavanosangana.

Mashoko aya haana kugamuchirwa zvakanaka neBosso neDeMbare avo vese vakaburitsa chinyorwa vakabatana vachishora zvikuru Jere.

Chinyorwa chakabva kuzvikwata zviviri izvi chinoti: “Highlanders neDynamos pamwe chete tinoshora mashoko enhando akataurwa nasachigaro wepremier Soccer League, Farai Jere, pamusoro pezvikwata zvedu.

“Kutsanangudza kwake Highlanders neDynamos sezvikwata zvemhirizhonga hakuna kunaka. Mashoko akadai anogona kusvibisa zvikwata zvedu pamwe chete nekusvibisa mweya wekutambwa kwakajeka kwenhabvu yemuZimbabwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>