Uncategorized

Tava munzara: Vavezi

02 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Tava munzara: Vavezi VaGraguate Mamvura vari pabasa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vanoita mabasa ekuveza zvinhu vachitengesa panzvimbo yeMbudzi Round About iri mumugwagwa waSimon Mazorodze, muguta reHarare, vanoti vari kusangana nedambudziko rekushaya vatengi kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19.

VaProsper Gwanzura (25), avo vanova mumwe wevanoita basa iri apa, vanoti kubva mumwedzi waKurume apo pakanyuka chirwere ichi muno, zvinhu hazvizi kuvafambira zvakanaka.

“Ndava nemakore mana ndichishandira pano ndichiita basa rekuveza zvinhu zvakasiyana, zvizhinji zvacho zvinohodhwa nevanhu vekuSouth Africa, Zambia, Mozambique Botswana nekumwe. Asi kubvira pakavharwa miganhu yenyika uye mabhazi nedzimwe motokari nemakombi ndokumiswa kufamba, kutengwa kwezvinhu zvedu kwakabva kwadzikira zvikuru,” vanodaro VaGwanzura.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kumashure kwese uko basa redu raifamba zvakanaka tichitengerwa nevanhu vanobva kunze kwenyika.”

Zvisinei, vanoti vane tarisiro huru yekuti remangwana ravo richajeka nekufamba kwenguva zvichitevera kunyevenutswa kuri kuitwa neHurumende matanho ekurwisa Covid-19 nechinangwa chekusimudzira budiriro yezvikamu zveupfumi, kusanganisira chezvekushanyirwa kwenyika.

“Vamwe vevanotenga zvinhu zvedu vanhu vemunharaunda muno avo vava vashoma zvikuru kuburikidza nemitemo yekunzi vanhu vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa Covid-19,” vanodaro VaGwanzura.

VaGraduate Mamvura (28), avo vanoveza mibhedha nemawodhiropu, vanoti Covid 19 yadzosera basa ravo kumashure zvikuru.

“Zvakatikanganisa zvikuru, basa redu rakadzokera kumashure. Izvozvi makasitoma edu ave kuwanda zvishoma nekunyevenutswa kwave kuitwa mimwe mitemo yekurwisa nedenda iri,” vanodaro VaMamvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>