‘TB isingadairi mishonga yosungwa mbira dzakondo’

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘TB isingadairi mishonga  yosungwa mbira dzakondo’

Kwayedza

cathrineMurwere akange asina kudaira mishonga yeTB inoshandiswa pekutanga iyo inosanganisira rifampicin neisoniazod anenge opiwa ine simba inonzi nechiRungu 2nd line.

Nyanzvi idzi dzinoti The Union, US Agency for International Development, Janssen Research & Development neUK Medical Research idzo dziri kuita muonera pamwe mudzidzo inodaidzwa kuti STREAM. Dziri kushushikana nekureba kwenguva inotora MDR-TB kurapwa inove makore maviri.

STREAM iyi ikabudirira, chikosoro ichi chinenge chorapwa mukati memwedzi mitanhatu kusvika kumipfumbamwe.

Mishonga iyi inenge iri yekunwa uye kunenge kusisina dambudziko rekubaiwa majekiseni kwemakore maviri.

Sangano reMSF rinove ravanachiremba vanoshandira nyika dzose (Doctors without borders) riri kuti mishonga inorapa MDR-TB ngaiwanikwe yakaderera kwete kuti inodhuriswa nenhau yekuti vanobika mishonga iyi vanoti ndivo vega vane mvumo yekuugadzira kwemakore makumi mashanu.

Chii chinokonzera kuti chikosoro chisadaire mishonga?

Zvinokonzerwa nezvakati wandei sekuti kusashanda kwakanaka kwemushonga uye nekuti mushonga kana usina kuchengetwa zvakanaka unosvika pakupera simba uri muzvipatara usati wapiwa varwere.

Mushonga uyu kune dzimwe nyika unogona kunge uri wemanyepo uye kushandisa mishonga wapfuura zuva rakatarwa kuti ushande, zvese izvi zvinokonzera kuti murwere asapore akashandisa mishonga yakadai.

Chimwe chinokonzera kusapora kwakanaka kwemurwere kuita mutemarege nemushonga apo anoti anonwa akanzwa nani orega izvi zvinokonzera kuti chikosoro chijairire mishonga iyi zvekuti hachizorapiki zvinove zvine njodzi huru ine rufu mukati.

Murwere akange asina kudaira mishonga yeTB inoshandiswa pekutanga iyo inosanganisira rifampicin neisoniazod anenge opiwa ine simba inonzi nechiRungu 2nd line.

Mishonga iyi yechipiri ine zvakawanda zvainokonzera. Murwere anogona kutorwariswa nayo zvakanyanya zvekuti anoti zviri nani kurega.

Murwere anoitawo mudumbu munorwadza zvakanyanya, kurasika pfungwa kana kusazonzwa zvachose.

Chiremba mukuru anove director weHIV/AIDS and TB mubazi rehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr Owen Mugurungi, vanoti kurapwa kweMDR-TB kuchapararira muzvipatara zvakawanda munyika ino nekuti parizvino Wilkins Infectious Diseases, Nazareth neThorngrove ndizvo zvipatara zvakabata mutoro mukuru uyu.

Zvipatara zvemakereke zvakaita seKaranda kuMt Darwin, Murambinda kuBuhera, Howard kuChiweshe nezvimwe zvakawanda zvesvondo zvinorapawo MDR-TB.

Dr Mugurungi vanoti vanamukoti vazhinji vari kudzidziswa mabatirwo evarwere vanenge vaine MDR-TB.

Pasi rose rakasunga kuti dambudziko reTB chichave chinhu chekare panosvika gore ra2030.

Vanhu vanosvika 480 000 pasi rose vakaonekwa vaine MDR-TB mugore ra2014. Nyika yatakavakidzana nayo — South Africa — mugore ra2011 yakazivisa kuti yaive nevarwere vasingadaire mishonga yese yechipiri kana imwe yemhando yepamusoro uye chikosoro ichi chakange chisisarapike zvachose. MuZimbabwe varwere vanosvika 120 vari kurapwa MDR-TB.

Zvino nekudyidzana kwedu neSouth Africa vana nevabereki vazhinji vari ikoko icho chirwere ichi chichitapukira mumhepo zvinoda kuonera pamwe kuti TB iyi isingadairi mushonga yasungwa mbira dzakondo.

Izvi zvinogoneka chete kana varwere, varapi, nevanobika mishonga vakadhonzera gejo mumuforo mumwe chete.

Naizvozvo vari kuti chisungo cheTRIPS chinopa simba iri chinofanira kusimudzirwa.

Kunyika yeIndia ndiko kunobikwa mishonga mizhinji inoshandiswa nenyika dzichiri kusimukira iyo inozivikanwa nekuti generic medicine. Nyika dzakasimukira dzinobika mishonga yemhando inonzi brand medicine iyo yavanoti ivo ndivo vakabata magwaro ekubika mishonga iyi vega kwemakore makumi mashanu. Iyi ndiyo nhau iri kurambwa neveMSF naizvozvo padandemutande vari kuti vanhu vazhinji vasaine nhunha dzavo pamusoro penyaya iyoyi kuti isumudzirwe kuenda mberi.

Veduwe dai taiti ini ndini muridzi wekubika chingwa ichi naizvozvo hakuna mumwe angachibike zvaitisvitsa papi?

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>