Uncategorized

Tezvara anodanana nemuroora . . . zvekutopinda vose mumachira

13 Feb, 2022 - 07:02 0 Views
Tezvara anodanana nemuroora  . . . zvekutopinda vose mumachira

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MURUME wekwaMambo Makoni, kwaRusape aripiswa mombe shanu nedare rashe veko mushure mekubatwa nemhosva yekudanana uye kupinda pabonde nemuroora, mudzimai wemwanakomana wake mbune.

Isaac Marova, anogara mubhuku raMasvosva akadanana nemuroora wake kwenguva refu ndokuita bonde vose kakawanda kusvikira gure iri rakazobuda pachena.

Vaviri ava vakatora nguva refu vachidanana apo vaishandisa mitsara yenharembozha yemuchivande mukutaurirana nyaya dzavo.

Muroora uyu, uyo asina kudurwa zita rake mudare, akazobatirwa mashoko erudo munhare yake aibva kuna vatezvara ava nemurume wake, Bartholomew Marova.

Izvi zvakabva zvakonzera kurambana kwaBartholomew nemudzimai wake uyu.
Achitaura mudare raMambo Makoni, Bartholomew anoti akashamiswa zvikuru apo akaziva kuti mudzimai wake anodanana nababa vekumubereka.

Anoti aivimba nababa vake pavanhu vose uye haana kumbobvira azvifungira kuti vangaite bonde nemudzimai wake.
“Ndakatanga kuita fungidziro kumudzimai wangu apo ndaisangana nemashoko akadzimwa munhare yake. Aishandisa mutsara wenhare yandisingazive achiendesa mashoko aya kumunhu ane nhamba dzenhare yandisingazivewo.

“Ndakazosangana nemashoko erudo ekudanana kwavo kubva kunhamba idzodzo,” anodaro Bartholomew.
Anoti nekufamba kwenguva, akazoziva kuti imwe yenhamba dzaishandiswa kutumirana mashoko erudo aya ndeyababa vake.
“Ndaziva kuti nhamba inotumira mashoko erudo iyi ndeyababa vangu, ndakazovabvunza vakazviramba kuti vanodanana nemudzimai wangu,” anodaro Bartholomew.

Achipawo divi rake mudare iri, Isaac pakutanga akarambisisa kuti anodanana nemuroora wake.

Izvi zvakaita kuti Mambo Makoni vazotura mutongo wekuti kunotsvagwa mashoko aitumirwa munhare dzevaviri ava vachishandisa kambani yenhare iri mudunhu ravo.

“Manyepo ayo kuti ndinodanana nemuroora wangu mudzimai wemwanakomana wangu. Handizive kwaari kutora mashoko ose emanyepo aya, handina basa nazvo kuti vaende kunotora mashoko kuEconet seumboo asi handina kuzviita,” anodaro Isaac.

Zvisinei, mushure mekunge ongororo yaitwa nekambani inoona nezvemasai-sai, umboo hwaburitswa mudare hwararidza kuti kubva mumwedzi waGumiguru 2021 kusvika munaNdira 2022, Isaac anotumira mashoko nekuridza nhare zuva roga-roga kumuroora wake.

Isaac azobvuma mudare iri kuti anodanana nemuroora wake.

“Handina zvangu zvekutaura, ndine hurombo nezvakaitika,” anodaro Isaac.

Mambo Makoni vaudza murume uyu kuti akaita chipini mudunhu ravo, ndokumuripisa mombe shanu apo nhatu dzacho dzapihwa Bartholomew uye dzimwe mbiri dzichienda kudare ramambo.

Share This:

Sponsored Links