Uncategorized

Tezvara, muroora ‘mwaaa’

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Tezvara, muroora ‘mwaaa’

Kwayedza

‘Tave kutopengesana moto’
‘Zvekunyarana zvatokapera’

MURUME wekuChiweshe apengesana murudo nemuroora wake — mukadzi wemwana wake chaiye —zvekusvika pakutiza mudzimai nemwanakomana wake, vaviri ava vachinogara semurume nemukadzi kumafuramhepo muHarare.Vaviri ava vari kupengesana pajekerere uye vanoti havasi kuzosiyana sezvo vose vachinzwirana “shuga” uye havatombonyara kuitana “mwaaa”.

Kana Kwayedza yakazvionera — tezvara nemuroora, kana kuti murume nemudzimai wake mutsva ava — vakatozvipira kutorwa mifananidzo vagere vose muimba yavave kuroja kwaChiremba, kuEpworth.

Pachivanhu, aya ndiwo anonzi makunakuna.

VaShepherd Gemu (43), uvo vanobva kwaShutu, kwaMambo Negomo, kuChiweshe, vava kugara nemuroora wavo Alice Machipisa (22) semurume nemudzimai.

Sezita rake, Machipisa, uyo kumusha anobva kwaMutoko, akasiya achipisa murume wake zvose navamwene.

Asati atorwa natezvara kuitwa mukadzi, Machipisa anga ari mudzimai wemwanakomana mukuru waVaGemu anonzi Alfred (20).

VaGemu vakatotiza mudzimai wavo Christine Mandere (39) nemhuri vachibva vatsvaga imba yekuroja uko vaviri ava vanoti vave kugara pamutambarakede.
Murume uyu nemuroora wake vose vanobvuma kuti vave kugara semurume nemukadzi.

VaGemu vakaroorana nemudzimai wavo Mandere, vamwene kuna Machipisa, mugore ra1993.

VaGemu, avo vanoshanda saforomani pane rimwe garaji rinogadzira motokari varizve makanika kuMsasa, muHarare, vanoti Machipisa ndiye ave mudzimai wavo.

“Ehe, Alice ndiye ava mukadzi wangu wechipiri. Ndini ndakatanga kudanana naye mwana wangu asati amunyenga. Ndakazongoona Alfred ava kuuya nemukadzi uyu kumba ndokushaya kuti zvino ndodii, ndokunyarara kusvikira mwedzi wapera apo Alfred akatiza mukadzi kwavairoja. Ini ndakabva ndatanga kuriritira mukadzi uyu ndokuzomutora sezvo akanga agara ari wangu,” vanodaro VaGemu.

Vanoti kubva Machipisa achigara naAlfred, ndivo vaingoriritira, kureva kuti vakagara vari ivo muridzi wemukadzi.

“Mari yakaenda kumusha kwaAlice kwaMutoko, $70, ndini ndakaibvisa apo ndairoorera Alfred. Semunhu wandakatanga kudanana naye, ini ndakazongomutora semukadzi wangu.

“Tiri kutogara tose zvakanaka. Hondo iripo ndeyekuti mudzimai wangu mukuru (Mandere) naAlfred vanoda kundiuraira imba, hamheno kuti ndinorarama here,” vanodaro tezvara ava.

Uyuwo Machipisa anotsinhira kuti ndiye ava panyanga, ava mukadzi waVaGemu.

“Ndava mukadzi waShepherd kwete waAlfred. Zvehutezvara zvakapera, ndava kupinda navo mumagumbeze.

“Kubva kare ndivo vaindiriritira. Alfred aiva murume wemumagumbeze chete, aindiuraya nenzara,” anodaro Machipisa.

Kwayedza ichibvunza VaGemu vaina Machipisa kuti mwana waainaye ndewani, vose vanoti ndewaAlfred.

Tezvara ava vanobvuma nyaya iri kutaurwa yekuti vakarikitwa nemudzimai wavo nemwanakomana wake nekuda kwenyaya iyi.

Vanoti hapana chinosha misa pakuti vagare nemuroora Machipisa semudzimai wavo sezvo hama dzake vakadziudza dzikazvitambira.

Machipisa anoti nyaya yekuti ava kugara navatezvara vake semurume akaitaurirawo vabereki vake vanoti Emmanuel Machipisa naamai vake Trader Kovo avo vari kumusha kwaMutoko.

Onai Vhidhiyo pazasi

“Amai nababa ndakavataurira vakati havana zvavaigona kuita kunze kwekutambira zvandinoda ini. Plus ndiye munhu akavapa mari iyeyu. Tete Shiella Mai Chitewe vanozviziva,” anodaro Machipisa.

Uyuwo Alfred anoti haafe akaregerera baba vake nekubvutira kwavakamuita mudzimai wake.

“Baba vangu vakatadza kundinyara, uhu huroyi chaihwo hwavakaita kwandiri nemhuri yose. Kusara ndava tsvimborume nekuda kwavo? Vakashaya here vamwe vakadzi nyika yakazara kudai pane kutora muroora?

“Zvino tichasvitsana kure. Kana iye mudzimai wangu Machipisa haanawo hunhu. Tichapedzeranawo,” anodaro Alfred.

Anotsinhira kuti baba vake vakambodzoka kumba apo vakavazvambaradza vachibatsirana naamai vake nevamwe vari kuziva nyaya iyi.

“Mudhara takamutsika namuchembere nevamwe vemumaraini. Ticharamba tichimurova kusvikira asiya katsika aka. Kusanyara shuwa kupinda mugumbeze nemuroora?”

Mudzimai waVaGemu, Mai Mandere vanoti vapererwa zvichitevera nyaya yekudanana kwemurume wavo nemuroora.

“Taigara tose nemurume wangu, muroora nemwanakomana panhamba 1461 kuOverspill, kuEpworth.  Muroora uyu akatiziswa naAlfred mugore ra2013 ndokutanga kugara tose ndisingazive kuti baba vane dzimwe pfungwa kumuroora wedu.

“Zvakatanga zvichitaurwa nevanhu, kuti vari kudanana asi ini ndichizviramba. Taimboenda tose kumusha ndichinogara naye muroora apo baba vaizoteverawo ndichifunga kuti vaivinga ini nyambisirwa vaitevera muroora,” vanodaro vamwene vaMachipisa.

Amai ava vanoti muroora wavo ane mwana ane makore maviri ekuberekwa uyo wavasingazive kuti ndewemurume wavo here kana kuti ndewaAlfred.

Pamusoro pezvo, Machipisa anonzi pari zvino ane nhumbu iyo isiri kuzivikanwa zvakare kuti ndeyatezvara vake here kana kuti yaAlfred.

“Muroora uyu ane mwana mumwe chete nenhumbu yaainayo izvozvi. Vanoziva vanongoti mwana uyu nenhumbu ndezvaivo baba (VaGemu) sezvo vaionekwa vachidanana,” anodaro vamwene avo vanoti shungu dzavakuvadza.

Vanotizve vaigarowanikidza muroora wavo Machipisa arere pamakumbo pavatezvara vake.

“Ndaona kuti tezvara ava vari kudanana nemuroora, ndakazodzinga mwanakomana wangu nemukadzi wake uyu pamba ndokubva vaenda kunoroja muno muEpworth makare.

“Asi baba (VaGemu) vaindipengera vachiti ndakadzingirei vana, nyambisirwa kwaiva kuda kugara vachiona muroora padyo.

“Ini ndine vana vashanu nababa ava, ndipo povondiitira mashura akadai!”

Vamwene ava vanoti panguva yakatanga muroora uyu kudanana natezvara, akatangawo kupota achirwisana nemurume wake Alfred achiti anoda kudzokera kumusha kwake kwaMutoko pane kugara nerombe remurume.

Vanotizve VaGemu vakazovabudira pachena kuti vanodanana nemuroora wavo Machipisa vachiti ivo (vamwene Mandere) naMachipisa vakangofanana sezvo vose vari vakadzi.

“Vaiti kana tiri kumusha kuChiweshe vaienda vose musango kunotsvaga michero yakaita setsambatsi izvo ini nevamwe taibvunzana kuwirirana kwakadaro pakati pemuroora navatezvara. Zvose izvi zvaiva mumazivo everuzhinji.

“Ini ndakatombovawanikidza kumba kuEpworth. Muroora ndakamubvunza akanditi hapana iripo.”

Vamwene ava vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndanga ndava kunyimwa mari murume wangu achipa muroora uye masvondo adarika baba vakazotiza nemuroora uyu vakanomutora kwavairoja naAlfred ndokuenda kunogara naye makare muno muEpworth.”

Vanoti murume wavo akambodzoka kumba nguva yadarika apo ivo nemwanakomana wavo Alfred nevamwe vemunharaunda vakabatsirana kumurikita nekuda kwenyaya yekudanana nemuroora iyi. “Baba vakambodzoka vachida kutora birth certificate ravo ndokuwana ini nemwanakomana wangu tiripo, apo takavarova zvakasimba vakazoita zvekutiza.

Vakabva vatama pavairoja naMachipisa vachienda pamwe,” vanodaro amai ava.

Nyaya yekudanana kwaVaGemu nemuroora wavo inonzi yakambotongwa nekomiti yemuEpworth asi vaviri ava havana kurambana.

Vanoti muroora wavo akavaudza pachena kuti ndiye ave panyanga, ave kutodanana naVaGemu.

“Akaudza feya tasangana, akati, ‘Ndave kugara naiye uye wawaiti murume wako, ndiye ava wangu’. Akati zvekuti vatezvara zviya zvakapera kare, ave kutodhonzerana gumbeze rimwe chete naVaGemu.

“Hanzi, ‘Tave kudanana moto, chengetanai nemwana wenyu iyeye (Alfred)’.”

 

Share This:

Sponsored Links