The Undertaker otsigira McGregor

16 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
The Undertaker otsigira McGregor Conor Mcgregor

Kwayedza

SHASHA yeWWE legend ‘The Undertaker’ anoda kuona Conor McGregor ari munhandare yewrestling achikwikwidza mune remangwana.

McGregor mumwe wenyanzvi mumutambo weMixed Martial Arts uye ari kutarisirwa kudzoka kuUFC gore rino zvichitevera kupera kwakaita makore maviri akatyoka gumbo.

Akatyorwa gumbo muchikamu chekutanga chemutambo wake naDustin Poirier mugore ra2021 uye haana kuzomboonekwa achikwikwidza zvekare mumutambo uyu izvo zvaituma vatsigiri vake kubvunza kuti achadzoka zvekare here kuzokwikwidza.

Kunyangwe hazvo kudzoka kwake kuri pedyo, McGregor anogona kusendeka magirovhosi ake sezvo shasha iyi, iyo ine makore 34 ekuberekwa, adarikwa nenguva uye akawanisa kuhwina mibairo yakawanda mumutambo uyu.

Achitaura neThe Independent, The Undertaker akatsigira chizvarwa chekuIreland ichi kuti chiuye kuWWE agove mumwe weshasha ikoko kana apedza nezveUFC.

The Undertaker

“Zviri nyore kuzvigadzirisa uye kufunga nezvazvo,” anodaro paakabvunzwa nezvevatambi veUFC vanoda kuuya kuWWE.

“Ndinoona sekunge Conor McGregor. Uchimuona ndiye anonyatsodiwa kuWWE uye anoenderana nayo.

Anosvika akave mutambi asingadiwe kurega kuonekwa uye zvinogona kunakidza kuona manje.” — SportsMail UFC

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>