Uncategorized

Ticha akarasika njere arova mwana

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Ticha akarasika njere arova mwana Mai Patinanga Mugambiwa

Kwayedza

Mai Patinanga Mugambiwa

Mai Patinanga Mugambiwa

MUMWE mukadzi wemuHarare anonzi akatanga kurasika njere mushure mekunge arova mwana wechikoro apo aive mudzidzisi pachimwe chikoro chiri kuBuhera.

Betty Aaron (49), uyo anodaidzwa nekuti Malaika nevanomuziva, anonzi akangotanga kurasika njere kubva paakarova mwana wechikoro wepaDune Primary School, kuBuhera, apo aidzidzisa.

Vabereki vake vanoti vakamboedza kufamba naye kwakasiyana nechinangwa chekuti dambudziko iri ripere asi zvikaramba.

Amai vaBetty, Mbuya Patinanga Mugambiwa (70), vakatsinhira kurasa njere kwemwana wavo vachiti zvakatanga apo aiva kubasa.

“Ndakazongonzwa natete vake vaigara pedyo nekwaaidzidzisa kuBuhera vachiti pfungwa dzake dzakanga dzisingachatora zvakanaka. Vakati izvi zvakatanga apo akarova mumwe mwana wechikoro waaidzidzisa.

“Kubva ipapo kusvikira nhasi, haana kuzombodzokera kubasa nekuda kwedambudziko iri,” vakadaro.

Mbuya Mugambiwa vanoenderera mberi vachiti: “Paaitsvaga basa akati regai ndiende kwaMurambinda sezvo kwakanga kuine munhu wehukama vanova tete vake avo vakaroorwa ikoko. Saka isu sevabereki takangoti aende sezvo ainogara natete kwechinguva achitsvaga basa uye takangoti zvakanaka sezvo kuine wehukama. Mazuva iwayo taiva tichigara kuGoromonzi.

“Takazoshamiswa kuona achiuya akatakurwa mumota pamwe chete natete vake vachiti ava kurasika njere. Vakati akangotanga ari pachikoro paDune apo akarova mumwe mwana.”

Amai vaBetty vakaenderera mberi: “Pazvakatanga mwana uyu aimboita nani. Aibva atanga kunetsa kuti aida kudzokera kunodzidzisa. Baba vake vakatoshaya nekuda kweBP vachifungisisa kuti chii chaikonzeresa izvi.

“Vamwe vanhu vanotaura kuti ndini ndakapengesa mwana asi hazvisirizvo. Vamwe vanoti ndakaenda Joni ndikanotsvaga mishonga yekuti nditengerwe zvandaitengesa asi handizvo. Aya manyepo nekuti handina kumbobvira ndaenda kuSouth Africa, murume wangu aitondirambidza achiti kana ukaenda unozotsvaga mumwe murume.

“Chero pasipoti chaiyo handina. Handizive kuti vanhu vanenge vachiwana kupi zvinhu zvakadaro. Malaika takamboedza kufamba naye kumapororfita nekun’anga asi hazvina kubatsira.”

Mumwe wevana vaMbuya Mugambiwa, uyo akaramba kuti zita rake ribude, akatsinhira nezvedambudziko raBetty.

“Zvinonzi ane mwana wechikoro waakarova mbama akamuudza kuti ‘muchazviona’. Mangwana acho makuseni achinyora pabhodhi ndipo paanonzi akati akangonzwa dzungu ndokutodonha pasi, kwava kutanga kurasa njere.

“Vamwe vanoti akarohwa nezvishiri vachiti nzvimbo yacho inogara vanhu vanoita zvemishonga inokuvadza. Takamboedza kunotsvaga mwana wacho asi nekuda kwekuti nguva yanga yati rebei, hatina watakakwanisa kuona kuti atibatsire. Kufunga kwangu ndinoti tikakwanisa kuwana munhu iyeye aive mwana wechikoro ipapo – waanonzi akarova wacho – zvinokwanisa kubatsira,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links