Uncategorized

Ticha ari kushaikwa

21 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Ticha ari kushaikwa

Kwayedza

Kwanele Khumalo naNomthandazo Masuku

MURAIRIDZI wepachikoro cheFilabusi High School anonzi haazi kuzivikanwa kwaari sezvo akapedzisira kuonekwa nemusi weChishanu chadarika apo aive akadhakwa.

Creedence Sakhile Ncube anonzi akapedzisira kuonekwa ari panzvimbo yeFilabusi Business Centre.
Anonzi aive akadhadkwa ari mumotokari yake chena yerudzi rweMazda Demio ine nhamba dzinoti AFO 5703.

“Hapana ati amuona pamwe nemotokari yake kubvira zuva iroro nokudaro vanhu vava kunetseka kuti ari kupi.

‘‘Filabusi inzvimbo isina kunaka zvekuti anogona kudaro akapondwa nemakorokoza akawanda munharaunda iyi,” anodaro mukoma wake anonzi Progress Ncube.

Vangava neruzivo nekune murume uyu vanokwanisa kuzivisa mhuri yake panhare dzinoti 0772 719 095, 0775 101 245 ne0784 228 210 kana kuudza mapurisa epaFilabusi Police Station.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>