Uncategorized

Ticha orova vana zvibhakera

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Ticha orova vana zvibhakera Mifananidzo inotaridza ticha achirwa nemwana wechikoro pane chimwe chikoro.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kushora zvikuru zvakaitwa nemumwe ticha uyo ari kubuda parimwe vhidhiyo riri kutenderera pamadandemutande achirovana nemwanasikana wechikoro nezvibhakera apo vamwe vana vanenge vachiona nekukuzirira.

Mudzidzisi uyu anobuda achipotsera zvimbokoma kumwanasikana uyo akapfeka yunifomu vari pajekerere.

Mwana wechikoro uyu anozotangawo kudzosera achikanda zvibhakerawo, pamwe pacho achitoita seava kuda kukurira ticha uyu.

Panomboita mumwe anenge mudzidzisi wechirume uyo anoedza kurandutsira asi anozosiya ticha uyu achienderera mberi nekurova mwana wechikoro uyu nezvibhakera apo vamwe vana vanenge vachikuzirira.

Vhidhiyo iri riri kutenderera pamaWhatsApp, paFacebook nepaTwitter uye veruzhinji vari kuriona vanoshora ticha uyu vachiti muzvikoro hamudiwe vanhu vakaita saiye.

Hazvisi kubuda kuti izvi zvakaitika kupi asi vamwe vanoti manenji aya akaitika pachimwe chikoro chekuMasvingo.

Pakutanga, mwanasikana uyu anenge achirohwa nezvibhakera naticha uyu asi anozotanga kudzosera zvakasimba.

Pasi pemutemo weZimbabwe chikamu cheSection 51 neSection 53 inoona nezvekodzero dzevana, imhosva huru kurova mwana – kuchikoro kana kumba.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro penyaya iyi.

“Zvandaona muvhidhiyo iri zvinorwadza, zvekuti munhu akazosarudza kutora vhidhiyo iri atoona kuti zvaiitika zvakashata uye pamwe handi kekutanga,” vanodaro Mai Linnet Garwe (34) vekuMabvuku, muHarare.

Kuchiti chamangwiza wesangano rinorwira kodzero dzevanasikana nemadzimai, zvikuru mukutsigira dzidzo yevanasikana vekumaruwa, reTag A Life International Trust (Ta – LI), Muzvare Nyaradzo Mashayamombe vanoti nyaya dzerudzi urwu dzinofanira kumhan’arwa kumapurisa.

“Vanasikana vangapasa sei kuchikoro kana vachirwiswa? Zvinoderedza kubudirira mudzidzo. Zvinokanganisa zvekare nyaya dzekuenzaniswa kwemikana yevanasikana nevanakomana muzvikoro nekuti haazofariri kuuya kuchikoro uye anotozoona sekuti vanakomana bedzi ndivo vanoita zvakanaka ozvidzikisira.

“Mukukanda zvibhakera kumwana, ticha anogona kurova mazamu, magadziko nedzimwe nhengo dzakavandika saka imhosva huru iyi,” anodaro Muzvare Mashayamombe.

Tinotenda Mandizvidza Muranganwa (28) wemuHarare ari zvekare mutambi wemadhirama anoti kurwisana kuri kuita mudzidzisi nemwanasikana wechikoro uyo akapfeka yunifomu imhirizhonga chaiyo kuvana.

“Vabereki kana vachitumira vana vavo kuzvikoro vanenge vaine chivimbo chekuti varairidzi vanotora danho rekuva vabereki kuvana ivavo uye vachivachengetedza.

“Zvino kana vana vorohwa kunge mhuka kudai zvinenge zvoda kuti bazi rezvedzidzo richipindira nekutora matanho anozivikanwa nenyika yose kuti chive chidzidzo kune vamwe vangange vachizviita.

“Kutaura chokwadi, hatitarisiri kuti zvikoro zvisanduke kuita nhandare dzekurwisana,” anodaro.

Muranganwa anoti kudai murairidzi uyu akaonekwa akabata shamhu zvaive nani pane kutokunga zvibhakera zvekurwisana nemwanasikana wechikoro.

“Zvekare mutemo wenyika unotorambidza kurohwa kwevana saka hazvitokodzeri, vana ngavapihwe zvirango zvekuita mamwe mabasa epachikoro kana vachinge vatadza uye kana zvichinge zvanetsa vabereki, mukuru wechikoro nemurairidzi vanofanira kuisa misoro pamwe chete kuti vaone kuti mwana angarangwa nenzira ipi,” anodaro.

Mumwe mudzidzi wepaPrince Edward High iri muHarare, apo pakamboita imwe mhirizhonga yekurwisana kwevana vechikoro munguva pfupi yadarika mavhidhiyo acho akatenderera zvekare paWhatsApp, anoti dambudziko riri kuvabereki vasingade kuterera vana vavo.

“Pane dzimwe nguva ndinoshora vabereki vedu nekuti mwana kana akauya achitaura kuti kuchikoro ticha vari kundiita zvakadai kana kurohwa, unonzwa vachitoti ndiwe wakaipa kana ukaramba uchinditaurira izvozvo ndinotovafonera vakurove zvekare.

“Saka kana vabereki vakatadza kutipa nzeve, tinozosarudzawo kutorawo matanho edu seizvi zvamuri kuona mwana achidzorera kumurairidzi wake nekuti zvinenge zvarwadza. Idzidziso ipi yaari kupa kunyika,” anodaro Courage Tariro Matanda (18).

Stephen “JUV” Machingura — uyo ane makore 28 ekuberekwa uye anoekita — anoti ari munzira kunyora nhetembo maringe nenyaya dzemhirizhonga dzinoitika muzvikoro.

“Mhirizhonga muzvikoro dzakawandisa zvikuru zvekuti zvamunoona zvichibuda pamavhidhiyo izvo zvishoma.

Vana vari kumbunyikidzwa nenzira yebonde, kurohwa, kutukwa kana kushandiswa mabasa akaomarara ekuchera mvura yematicha, kudiridza kana kurimiswa minda yakakura panguva iyo vabereki vanenge vachifunga kuti vari kudzidza,” anodaro.

Zvichakadai, nemusi wa11 Gumiguru gore rino, sangano reForum For African Women Educationist Zimbabwe Chapter (FAWEZI) rakaparura chirongwa chekurwisa mhirizhonga muzvikoro zvemuZimbabwe icho chakapindwa nevakuru vezvikoro, nhengo dzeSocial Welfare pamwe chete nevana vemuzvikoro.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reMiske Witt Associates International Inc uye chiri kutarisirwa kutekeshera muzvikoro zviri munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>