Uncategorized

Ticha wekurova mwana akumbira ruregerero

01 Apr, 2021 - 18:04 0 Views
Ticha wekurova mwana akumbira ruregerero Monalisa Chitwehwe (kurudyi) nemwana wake Onismus Chithwe (kuruboshwe)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

TICHA wekuzvambaradza mwana weGrade 7 pachikoro cheFungisai Government Primary School, kuChitungwiza anonzi akazokumbira ruregerero zvikaita kuti vabereki vemwana uyu vabvise nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Onismus Chitebwe ndiye akarohwa nemurairidzi wake, akangozivikanwa nekunzi Sibanda, achipomerwa mhosva yekutaura mukirasi neyekusadarika mutsetse pakunyora rondedzero mubhuku.

Nyaya iyi yakasvitswa mumaoko emapurisa ndokuendeswa kumatare edzimhosva.

Zvisinei, amai vemwana uyu – Mai Monalisa Chitebwe (41) – vanoti vakazosarudza kuita hurukuro nemurairidzi uyu kunze kwedare (out of court settlement) nemusi wa31 Kurume apo nyaya iyi yaifanirwa kupinda mudare.

“Nyaya iya takazotaurirana kunze kwedare nokuti murairidzi akanga ava kuda kutondipa mari yandakarapisa mwana ndikavati regai henyu nokuti ndakangobhadhara $160 kuChitungwiza Central Hospital uye mapiritsi ekunyaradza marwadzo. Vamwe vanhu vari kufunga kuti ndakatengwa nemurairidzi uyu asi kwete, zvakabva mumwoyo wangu kuti ndiregerere mudzidzisi uyu. Ndakangoona kuti tiri vanhu tinotadzirana asi kana munhu akumbira ruregerero tinoregererana,” vanodaro.

Mwana uyu anoti akarohwa nefan belt kumagadziko kanokwana ka65 mumazuva maviri zvakaita kuti apedzisire ave kutadza kugara.
Vanhu vakawanda vakashoropodza zvikuru murairidzi uyu pamadandemutande anosanganisira Facebook neTwitter pakabuda nyaya iyi muKwayedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>