Uncategorized

Ticha wekurova mwana wechikoro asungwa

15 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
Ticha wekurova mwana wechikoro asungwa Mufananidzo uri padandemutande unonzi ndewekusungwa kwemurairidzi Michael Freeman Chingwaru wekurova mwana wechikoro.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURAIRIDZI wepachikoro cheEistein Tuition Centre chiri muguta reHarare – uyo ane vhidhiyo riri kutenderera apo anenge achirova mwana wechikoro zvakaipisisa – asungwa nemapurisa nekuda kwemhosva yekushungurudza mwana uyu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Michael Freeman Chingwaru (39) asungwa nekuda kwemhosva yekurova mwana wechikoro weFomu 5 achimupomera kuti sei aiona mafirimu (movies) palaptop yake ari pachikoro.

“Tasunga mudzidzisi uyu, Michael Freeman Chingwaru (39), nemhosva yekurova mwana wechikoro weFomu 5 uyo awanikidzwa achiona mamovies palaptop yake ari mukirasi yemaFomu 4. Vakataudzana mukomana uyu ndokubuda achibva aenda kuBiology Class uko akanogara zvake,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Chingwaru anonzi akatevera mukomana uyu ndokumubvunza kuti aiitei zvakare ikoko.
“Pakaramba pachiita kusataudzana zvakanaka pakati pemudzidzisi nemwana wechikoro uyu kusvikira arova mwana uyu nebhandi nekumudhuma nemusoro zvakanyanya sezvinoonekwa pavhidhiyo ratinaro, ” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi akazoenda kumba uko akanotaurira amai vake avo vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Chingwaru asungwe.
“Mudzidzisi uyu ari mumaoko emapurisa uye akamirira kuenda kumatare edzimhosva. Tinokurudzira hukama hwakanaka pakati pevadzidzisi nevana vechikoro kunyangwe nevabereki,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi ari kuendeswa kumachiremba kuti zvionekwe makuvariro aakaita kubva mukurohwa uku.

Share This:

Sponsored Links