‘TICHIRI KUTARISA NHANDARE’

07 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
‘TICHIRI KUTARISA NHANDARE’ Yvonne Mapika Manwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Football Association (ZIFA) riri pakati pekuongorora nhandare dzakasiyana dzenhabvu munyika idzo dzichazoshandiswa kutambirwa mitambo yeCastle Premiership yemwaka wegore rino.

Mwaka wenhabvu wePSL wa2024 uchatanga svondo rino asi PSL inoti ichakamirira kuudzwa mamiriro ezvinhu neZIFA kuburikidza nebhodhi reFirst Instance Board iro rinoongorora nhandare dzakasiyana dzinotambirwa nhabvu munyika.

Nhandare dzenhabvu dzemuno dzange dzichidzosera mutambo uyu kumashure izvo zvakaona mitambo ichimbomiswa mwaka wadarika nekuda kwekuipa kwenhandare uye kupa mukana wekuvandudzwa kwedzimwe dzakadai seNational Sports Stadium (NSS).

Gore radarika, zvikwata zvinonwe zvinoti Dynamos, CAPS United, Yadah Stars, Herentals FC, Simba Bhora, Black Rhinos neZPC Kariba zvese zvaishandisa nhandare yeNSS semusha wazvo.

Izvi zvakaita kuti nhandare iyi iremerwe izvo zvakazotuma kuti ivharwe uye ndokukonzera kumbomiswa kwemitambo yese yePSL.

Muhurukuro neKwayedza, chamangwiza weZIFA – Yvonne Mapika Manwa – anoti bhodhi reFirst Instance Board (FIB) riri pakati pekuongorora nhandare dzakasiyana munyika kuti dzasvika here padanho rekutambirwa mitambo yePSL.

“Chekutanga, tinoziva kuti mitambo yePSL iri kutanga svondo rino saka bhodhi reFIB riri pakati pekuita ongororo yavo yekuona kuti nhandare dziri padanho rekutambirwa mitambo yePSL mwaka uno ndedzipi.

“Ini ndakamirira kupihwa gwaro rezvichabuda muongororo iri kuitwa neFIB toziva kuti nhandare dziri padanho rekutambirwa nhabvu mwana uno ndedzipi.

“Isu ishuviro yedu kuti nhandare dzinge dzakawanda munyika dziri padanho repamusoro rekutambirwa nhabvu nekuti tinoda kuti mutambo uyu usvike kunzvimbo dzakasiyana,” anodaro Manwa.

Zvakadaro, apo mitambo yePSL iri kutanga svondo rino, maziso ese achange ari pamutambo mukuru weBattle of Zimbabwe pakati peHighlanders ‘Bosso’ neDynamos ‘DeMbare’ kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo.

Aka kachange kari kekutanga zvikwata zviviri izvi zvichisangana pasvondo rekutanga remwaka wePSL.

Mutambo uyu uchange wakatariswa nevatsigiri venhabvu vazhinji pamwe chete nenyika yose sezvo kakawanda panosangana zvikara zvisingaonane zviviri izvi, mitambo yacho haiwanzopera zvakanaka.

Bosso mwaka uno ichange ichirairidzwa naKelvin Kaindu uyo akadzoka kuchikwata ichi zvekare achitsiva Baltemar Jose de Oliveira Brito uyo akasiya basa pakapera mwaka wegore radarika.

Mwaka wadarika, Bosso yakatanga zvainwisa mvura izvo zvakaona ichinetsa kukundwa gore radarika asi yakazotanga kudzikira mumatambiro ayo.

Nekune rimwe divi, Dynamos mwaka wadarika yakatanga iina Herbert Maruwa achichirairidza uyo akazodzinga sezvo chikwata ichi chaitatarika zvikuru asi kuuya kwakazoita Genesis Mangombe kwakasimudza DeMbare iyo yakazohwina mukombe weChibuku Super Cup.

Mwaka uno, Mangombe akatsidza kuti DeMbare inoda kurwira mikombe yese pamwe chete nekutamba nhabvu inonwisa mvura yemuAfrica yeConfederations Cup.

Shasha dzePSL, Ngezi Platinum Stars ‘Madamburo’, iri kunanga kuBulawayo uko ichanosangana nevakomana vatsva – Arenel Movers – avo vakapinda muPSL mwaka uno vahwina tikiti rekuZIFA Southern Region.

Kuchiti yaimbove shasha yePSL, FC Platinum inenge iri pamusha apo ichasangana nevakomana neChegutu Pirates koti CAPS United ‘Shaisa Mufaro’ ichatamba neChicken Inn pamutambo wayo wekutanga wemwaka wegore rino wePSL.

Share This:

Sponsored Links