‘Tichiri nebasa pakusimudzira nhabvu’

08 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
‘Tichiri nebasa pakusimudzira nhabvu’ Harlington Shereni

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wemaWarriors, Dynamos neFC Nantes yekuFrance – Harlington Shereni – anoti zvikwata zvemuno zvine basa guru rekubika vatambi vemhando yepamusoro uye panodiwa rutsigirwo rwakasimba rwemari nezvimwe zvekushandisa senzira yekusimudzira mutambo uyu.

“Ndichitarisa hangu vatambi vatinavo muno iye zvino tichiri nebasa guru rekubata kuti tisvike padanho revatambi vekuWest Africa.

“Tinofanirwa kushanda nesimba nekuti mukatarisa nyika dzekumavirira kweAfrica (West Africa) vari kudira mari chaizvo munhabvu uye mutambo uyu vari kuukoshesa saka muchiona vachitumira vatambi vakawanda kuEurope, Asia nekuAmerica nekuti vari kuziva zvavari kuita.

“Kana tisati tabatana uye tisiri kudira mari, zvichambotitorera nguva tichisaririra kumashure zvekare,” anodaro Shereni. Anoti nhandare dzemuno hadzisi kufadza izvo zvinove zvimwe zviri kudzorera nhabvu kumashure.

“Mwaka wadarika, mafambiro aiita mitambo ange asiri kufadza nekuti handifunge kuti pane chikwata chinorarama nekutamba mitambo yacho yepamusha neyekunze chiri kunze zvataiona apo zvimwe zvikwata zvaienda kunotambira mitambo yazvo kunze.

“Tikatarisa zvikwata zvizhinji, zvinokotsverwa nevanhuwo vakazvimirira saka handifunge kuti vangarambe vachikwanisa kugara vachingonotambira kunze chete vasingambotambirewo pamusha, zvinosvika pakuvaremera uye vatsigiri vavo vanotodawo zvikuru kuvaona vachitambira pamusha pavo.

“Saka nhandare dzedu dai dzagadzirwa kuitira kuti zvikwata zvikwanise kutambira pamusha pazvo kwete kugara vari munzira nguva dzose kuenda kunotamba kunze.

“Mwaka wadarika, kwaive nematambudziko akasiyana uye tinovimba kuti hazvidzokorodzeke mwaka uno,” anodaro Shereni.

Anoti kusarira kwainge kwaita nyika panyaya dzenhabvu nekuda kwezvirango zvakambotemerwa neFIFA neCAF kunofanirwa kuvhura vanhu meso kuti mune remangwana pasaite kudhonzerana nekusanzwanana sezvo zvichizokanganisa budiriro yemutambo uyu.

Kwemakore maviri, Zimbabwe yakange isiri kutamba nezvikwata zvekunze zvichitevera kutemerwa kwayainge yakaitwa zvirango neFIFA neCAF.

Panguva iyi, zvikwata zvemuno zvaisatenderwa kutamba nezvekunze uye vatambi vazhinji vakarasikirwa nemikana nekuti vamwe vakatadza kutambira zvikwata zvenyika zvemazera akasiyana.

Sangano rinotungamira mitambo munyika reSports and Recreation Commission rakazonzwanana neFIFA apo pakazoumbwa komiti yeZIFA yeNormalisation Committee iyo iri kutungamirirwa naLincoln Mutasa kuti imbofanoona mafambiro enhabvu yemuno ichigadzirisa nhau dzange dzichinetsa.

Shereni anoti hutungamiri hwavepo hweZIFA hunofanirwa kudzidza kubva kune vaiva kumashure kuitira kuti nyika isadzokera pakutemerwa zvimwe zvirango.

“Tiri panyaya yenhabvu chaiyo, takange tisasachazive chinonzi nhabvu nechakakoshera mutambo uyu.

“Kutarisira pasi kwataiita mutambo uyu zvakazoonekwa kuti unokosha nekuti tainge tasuwa kusangana nezvimwe zvikwata uye vanhu vanoda mutambo uyu chaizvo vakakanganisika zvikuru nazvo,” anodaro Shereni.

Anoenderera achiti: “Chishuwo changu ndechekuti vanhu vari kutungamirira nhabvu vadzidza zvakawanda nekuona zvaiitika uye ngavasazodzokorora zvekare zvakaitwa nevamwe kumashure vogadzirisa pane zvinhu izvozvo.

“Ndinovimba kuti zvirango izvi zvakativhura meso kuti tinofanirwa kuita sei kusimudzira nhabvu yedu, zvinhu zvatinofanirwa kuita nezvatisangafanire kuita munhabvu yedu muno.”

Kubva asendeka shangu dzake dzenhabvu, Shereni akapinda mune zvekufambiswa kwemitambo (sports management) uye pari zvino ari kutungamira chirongwa chFC Porto Academy munyika icho chiri kubika vatambi vemangwana pamwe nevarairidzi.

Gore radarika, kuburikidza neFC Porto Academy, muZimbabwe makauya varairidzi venhabvu vakabva kuPortugal kunove kune chikwata cheFC Porto kuzodzidzisa varairidzi venhabvu vemuno pamwe chete nevatambi.

“Ndiri kutungamira chirongwa cheFC Porto Academy munyika icho tiri kubika vatambi venhabvu nevarairidzi avo tine chivimbo chekuti vane tarenda rinonwisa mvura uye vanogona kuenda kunozama raki ravo kuFC Porto chinove chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu muEurope.

“Gore radarika, kune varairidzi veFC Porto vakatouya munyika vakamboitisa zvidzidzo kuvarairidzi vemuno pamwe nekudzidzisa nhabvu vachiongorora vatambi veFC Porto Academy,” anodaro.

Shereni mumwe wevatambi vakaita mukurumbira vachitamba nhabvu kubva muZimbabwe izvo zvakamuona achitambira kuEurope kwemakore anodarika 10 kuzvikwata zvinosanganisira SR Delemont chekuSwitzerland, FC Istres, EN Avant Guingamp, FC Nantes neRC Strasbourg zvekuFrance.

Share This:

Sponsored Links