‘Timu dzemuHarare hadzilume’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Timu dzemuHarare hadzilume’

Kwayedza

APO mwaka wemutambo wePremier Soccer League wave pakati nepakati, mubvunzo une vatsigiri vazhinji venhabvu ndewekuti kubva kwakaita mukombe uyu uchienda kuZvishavane uchazodzoka here muHarare kana Bulawayo?

Gore radarika, FC Platinum yakanyora nhoroondo nekuve chikwata chekutanga kuhwina mukombe wePSL chisiri chemuHarare kana Bulawayo kubva muna 1980.

Kwemakore akawanda, zvimwe zvikwata zvisiri zvemuHarare zvaikundikana chaizvo kusimudza mukombe uyu apo zvimwe zvacho zvaizokundikana zvave pedyo sezvakaitwa neZPC Kariba iyo yakabvutirwa mukombe uyu zuva rekupedzisira.

Zvikwata zvePlatinum, zvinoti FC Platinum shasha dzePSL iyo iri kutungamirirwa naNorman Mapeza neNgezi Platinum yaTonderayi Ndiraya parizvino zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Shasha yakambonetsa ichitambira maWarriors, Dynamos FC nezvimwe zvekuEurope – Harlington Shereni – anoti zvichatora nguva refu kuti zvikwata zvemuHarare neBulawayo zvitevere matsimba eNgezi Platinum neFC Platinum nekuti zviviri izvi zvakagadzikana uye zvakarongeka.

“Zvichatora nguva refu kuti zvimwe zvikwata zvigotevera FC Platinum neNgezi Platinum nekuti zvakarongeka, zvakarongera vatambi vazvo kuti vatambe nhabvu vakasununguka,” anodaro Shereni.

Mushamarari wenhepfenyuro yeStar FM, Howard Musonza, anoti zvave kunetsa kuti mukombe ugouya kuHarare kana Bulawayo nekuda kwemamiriro akaita zvinhu pari zvino.

Tonderayi Ndiraya

Anoti chekutanga Ngezi yakakwanisa kukunda zvikwata zvese zvikuru zvinotarisirwa kuve zvichikwikwidza kurwira mukombe wePSL zvinove Highlanders, Dynamos neCAPS UNITED.

Pamusoro pezvo, Musonza anoti kunyangwe palog chaipo zvimwe zvikwata zvakasiiwa nezvibodzwa zvakawandisa zvekuti zvinotoda kuti FC Platinum neNgezi zvigokundwa kana zvimwe zvichida kuzotevera.

Chechitatu, anoti zvakare mari inoshanda zvikuru uye zvikwata zvePlatinum zvine mari zhinji nekudaro zvinogara zvichitenga vatambi vepamusoro gore negore nechinangwa chekuti zvigohwina mukombe wePSL.

“Maonero angu zvichanetsa kuti paite chikwata chichadzosa mukombe uyu muHarare kana Bulawayo, chikwata ichocho chinofanirwa kutodira mari zvikuru sezvakaitwa neNgezi uye neFC Platinum.

“Zvikwata zviviri izvi zvakagona kudira mari nekutenga kwazvakaita vatambi vepamusoro uye tiri kuzviona nematambiro azviri kuita mwaka uno. Zviri kutonetsa kukunda. Ngezi yakwanisa kukunda zvikwata zvacho zvikuru izvo zvinotarisirwa kunge zvichirwira mukombe wePSL,” anodaro Musonza.

Sachigaro wevatsigiri veDynamos FC – Benjamin Munzira – anoti mari ndiyo yave kutonga munhabvu mazuva ano.

“Zvinoitika munhabvu, vatambi vanoda kugadzirirwa nzvimbo yakasununguka chete, havadi kufunga zvakawanda nezvemari dzavo. Mukakwanisa kuvagadzirira ipapo chete munenge mapedza matambudziko ese.

“Ndizvo zvakagonekwa neFC Platinum neNgezi, vane mari yekutenga vatambi vavanoda munyika ino uye vanoshanda navo zvakanakisa chaizvo.

“Ndiko kusaka zvirizvo zviri kutonga uye zviri kutungamirira, zvimwe zvikwata kwemakore akawanda anotevera kana zvikasateverawo matsimba azvo zvichange zvichingori mumashure izvo zvichitonga nhabvu yemuno,” anodaro Munzira.

 

Share This:

Sponsored Links