Uncategorized

Tinemi panguva ino – First Lady

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Tinemi panguva  ino – First Lady First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vanove zvakare Patron wesangano rinobatsira vanotambura reAngel of Hope Foundation – vanoti vanoshushikana zvikuru nekurasikirwa kwakaitwa vanhu vanodarika 98 neupenyu nekuda kwenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutu guru kumatunhu akasiyana enyika, zvikuru kuManicaland.

Mumashoko avo, Amai Mnangagwa vanonyaradza mhuri dzose dzakarasikirwa nehama neshamwari nekuda kwemafashamu aya.

“Tine hurombo zvikuru kune mhuri dzakarasikirwa nevadikani vavo uye tinoramba tiinavo muminamato yedu. Mwoyo yedu inoenda zvakare kune avo vachiri kuda rubatsiro,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanoti sangano ravo reAngel of Hope Foundation riri kutsvaga rubatsiro rwekuti vabatsire vanhu vakasangana nenjodzi iyi.

“Tiri mubishi kutsvaga rubatsiro rwekuti tiendese kuvanhu vakatambudzwa nemafashamu kuChimanimani nemamwe matunhu uye tinotenda zvikuru rumwe rutsigiro rwatakawana pari zvino kuti tibatsire vamwe vari mudunhu reManicaland,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>