Tinoda Khama: Dynamos

22 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
Tinoda Khama: Dynamos Khama Billiat

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos FC chinoti chiri kuda mutambi wenhabvu ane mukurumbira – Khama Billiat – nekuda kwehunyanzvi hwake kuti agochibatsira mwaka uno apo vachakwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup.

Mumazuva adarika, mashoko ange achitenderera kuti Dynamos iri pakati pekuita hurukuro naBilliat kuti mutambi uyu agouya kuzoitambira mwaka uri kutevera weCastle Premiership.

Mutambi uyu pari zvino haana chikwata chaari kutambira nhabvu kubva zvaakabva kuKaizer Chiefs zvichitevera kuramba kusayina kondirakiti yaakange apihwa nechikwata chekuSouth Africa ichi.

Vazhinji vaitarisira kuti pachauya zvikwata zvakawanda zvichizozama kutenga mutambi uyu zvichitevera kubva kwaakaita kuAmaKhosi asi hakuna chakamutenga izvo zvaona mwaka wa2023-24 asiri kutamba nhabvu kuSouth Africa.

Asi muhurukuro neKwayedza svondo rino, murairiridzi weDeMbare – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anoti chikwata chavo chiri kuzama nepachinogona kutsvetera Billiat kuti auye kuDynamos mwaka uri kutevera.

“Hakuna asingazvizive kuti Khama Billiat mutambi mukuru uyo akatamba nhabvu yepamusoro ndokuhwina mikombe yakawanda ine chiremerera seCAF Champions League saka ane hunyanzvi uye hunyanzvi ihoho ndihwo tiri kuda agounza kuchikwata chedu.

“Kana akauya tinoziva achatibatsira kusvike kure uye achapawo ruzivo rwake kune vamwe vatambi vemuchikwata chedu izvo zvichazotibatsira kusimukira,” anodaro.

Genesis ‘Kaka’ Mangombe

Mangombe anoti sechikwata, vakatumira nhume kuna Billiat ine zvavakamuvimbisa kuti vagonona kumuitira saka pari zvino vakamirira kunzwa kubva kwaari kuti anozvigamuchira here.

“Isu takatumira Khama kondirakiti saka takamirira kunzwa kubva kwaari kuti ari kuifarira here kana kuti ane zvaanoda kuti zviwedzerwe pairi.

“Chatinoziva kuti ari kuda chaizvo kuuya kuDynamos uye isu tiri kumudawo. Ndechipi chikwata chisingade kuti Khama Billiat achitambire muno?” anodaro Mangombe.

Kana dhiri raBilliat rikabudirira svondo rino, Mangombe anoti mutambi uyu haasi kuzotamba mumutambo weCastle Challenge Cup uyo uchaona Dynamos ichibandana neNgezi Platinum Stars musi weMugovera kuBaobab Stadium.

Anoti kana Billiat vakakwanisa kumutenga svondo rino vachambomupa nguva yekuita gadziriro dzake semutambi ave nenguva asati ambotamba nhabvu.

“Tinoziva kuti vazhinji vange vachitarisira kuona Billiat achitamba svondo rino asi kana auya kuchikwata chedu, tinoda kutanga tambomupa nguva yekuti aite gadziriro dzake agosvika padanho rekutamba nhabvu yepamusoro iyo tinomuziva achitamba kwemakore.

“Sekuziva kwedu tose ange ave nenguva ndefu asati ambotamba nhabvu saka tinofanira kumupa nguva yekuita gadziriro dzake kusvika asvika padanho repamusoro rekutamba nhabvu,” anodaro Mangombe.

Billiat akakwanisa kutengwa neDeMbare anenge ave kudzoka kuzotambira nhabvu yake muno mushure mekupedza makore 13 achitambira kuSouth Africa.

Mutambi uyu akaenda kuSouth Africa achibva kuCAPS United mugore ra2010 uko akanotanga kutambira chikwata cheAjax Cape Town kubva 2010 kusvika gore ra2013.

Akatamba nhabvu inonwisa mvura kuJax Cape Town akabva azotengwa neMamelodi Sundowns iyo akatambira kubva gore ra2012 kusvika 2018.

Ari kuchikwata ichi, akahwina mikombe yakawanda inosanganisira Premier Soccer League katatu, CAF Champions League, CAF Super Cup, Nedbank Cup neTelkom Knockout pamwe chete nemubairo wePSL Player of the Season mugore ra2016.

Gore rino, DeMbare iri kudzoka mumitambo yemuAfrica zvichitevera kuhwina kwayakaita mukombe weChibuku Super Cup mwaka wadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>