‘Tinoda kupedza kupararira kweHIV’

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Tinoda kupedza kupararira kweHIV’ Dr Moyo

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti bazi ravo rakabatana nemamwe masangano ayo anovatsigira riri kushanda nesimba kuti kutapurirana kweutachiona hweHIV kunge kwapera panosvika gore ra2030.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika muguta reHarare pakuparurwa kwechirongwa chekurwisa kupararira kweHIV neAIDS, cheComprehensive National HIV Communications Strategy for Zimbabwe 2019-2025.

“Tiri kutsigirwa nemasangano akasiyana mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS uye chishuwo chedu kuti panosvika gore re2030 pange pasisina kutapurirana HIV,” vanodaro.

Dr Moyo vanoti zvirongwa zvekurwisa kupararira kweHIV neAIDS zvinofanirwa kuitwa nenzira dzisina rusarura kune avo vari kurarama neHIV kuitira kuti vasatye kubuda pachena.

“Vanhu vanofanira kudzidziswa, kuongororwa nekurapwa vakasununguka pasina kuzobvunzwa mibvunzo yakawandisa zvekuti munhu anozotya kudzokera kukiriniki kana kuchipatara,” vanodaro.

Dr Moyo vanotenda masangano ari kuvatsigira mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

Share This:

Sponsored Links