TINODA NGUVA: MALAJILA

23 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
TINODA NGUVA: MALAJILA Cuthbert Malajila

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wenhabvu wemaWarriors neDynamos, Highlanders FC, Chapungu, Mamelodi Sundowns yekuSouth Africa neMaritzburg United – Cuthbert Malajila – anoti nhabvu yemuno inoda makore anosvika matatu kuti idzokere padanho repamusoro.

Apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yave kusvika kwamvura yacheka makumbo, Malajila anoti mwaka uno akaona mitambo yezvikwata zvakasiyana asi haina kunyanya kumufadza.

“Inini hangu mwaka uno hauna kumbonyatsondifadza chaizvo, mitambo yandakaona yaisanakidza.

Ndakaona mitambo yezvikwata zvinosanganisira Chicken Inn, Ngezi Platinum, Yadah Stars, Herentals, Dynamos neCAPS United. Asi mitambo yacho yaigona kungopera iri kana 1-0 chaiyo.

“Mumitambo iyi ndaitoona zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa nevatambi kuitira kuti vagotamba nhabvu yepamusoro.

“Ndiko saka ndichiti tiri kuda makore maviri kana matatu kuti nhabvu yedu igonyatsosimba iende padanho repamusoro.

“Kungoti tiri kubva munguva iyo nhabvu yedu yaive isiri kufamba zvakanaka nekuda kweCovid-19 uye kumiswa-miswa kwange kuchiitwa mitambo. Saka tiri kutoda makore matatu kuti tidzoke pamusoro,” anodaro.

Malajila akatambira nhabvu kunyika dzemuAfrica dzinosanganisira South Africa, Tunisia nekuLybia.

Anoti pane musiyano mukuru wemarongerwo anoitwa nhabvu yemuno neyekune dzimwe nyika izvo zvinofanirwa kushandurwa.

Mwaka wePSL wegore rino uchapera svondo rino uye unotarisirwa kuzotanga munaKurume kana Kukadzi 2024, izvo Malajila anoti vatambi vari kupedza nguva refu vakagara vasiri kutamba nhabvu.

Pachitariswa mafambiro anoita nhabvu yekune dzimwe nyika, kunyanya kuEurope nekuSouth Africa, kana mwaka wapera, vatambi vanopihwa masvondo mana ekuzorora kana kuti mazuva 30.

Asi muZimbabwe vanogona kugara mwedzi miviri kana mitatu nhabvu isati yatanga.

Malajila anoti iyi inguva yakareba chaizvo mutambi akangogara.

“Ndinoona sekunge panopera nhabvu yedu vatambi vari kuzoita nguva refu vakazorora nhabvu isiri kutambwa. Mutambi wenhabvu haafanirwe kugara nguva refu akangozorora, miviri ndipo inozopedzisira yave kuita zvisirizvo manje,” anodaro Malajila.

Svondo rino, pari kupera PSL ndipo pachaonekwa kuti mutambi achahwina mubairo weGolden Boot ndiani. Vatambi vari kurwira mubairo uyu vanosanganisira Obriel Chirinda weBulawayo Chiefs uyo akwanisa kunwisa ka11 kusvika pari zvino, Fortune Binzi weManica Diamonds anwisa ka10, Takunda Benhura (Ngezi Platinum) anwisa ka10 zvekare naMichael Charamba (Chicken Inn) uyo anwisa kapfumbamwe.

Malajila anoti vatambi vemazuva ano havasi kunyatsozunza mambure zvinonwisa mvura.

“Dzimwe nguva vatsigiri vanogona kutaura kuti vatambi vekumberi havasi kuzunza mambure chaizvo, asi nyaya iripo ndeyekuti vamwe vatambi havasi kunyatsovagadzirira mikana yekuti vanwise, saka tisamhanye kungoshora vatambi vekumberi nguva dzose.

“Nhabvu kana ichitambwa inofanirwa kunyatsofamba zvekuti wega unototenda kuti iri kufamba chaizvo,” anodaro.

Kubva asendeka shangu, Malajila akadzoka munyika kuzoshanda nechikwata chake chenhabvu chaakavamba cheCUMA Academy.

Mwaka wadarika, CUMA yaitambira muNorthern Region Division One asi yakazoburitswa muligi iri.

Share This:

Sponsored Links