Uncategorized

‘Tinoda runyararo nguva yesarudzo’ 

26 Mar, 2022 - 04:03 0 Views
‘Tinoda runyararo nguva yesarudzo’  Cde Tafadzwa Mugwadi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU pamwe chete nemasangano vari kukurudzira runyararo pakuitwa kwesarudzo dzemaby-elections dzekutsvaga vamiririri 28 vedare reParamende nemakanzura 105 idzo dzichaitwa kumativi mana enyika Mugovera uno.

United Nations Resident Coordinator muZimbabwe, VaEdward Kallon vanoti, “Tinokurudzira veruzhinji kuti vange vachiratidza kodzero dzavo dzekuvhota asi zvose izvi tinofara kuzviita murunyararo zvichifambirana nezvinangwa zvenyika zvebudiriro zvemaSustainable Development Goal 16.”

Cde Tafadzwa Mugwadi, avo vanova Director of Information and Publicity mubato riri kutonga reZanu-PF, vanokurudzira vechidki kuti vasiyane netsika yekushandiswa kuita nyaya dzemhirizhonga, zvikuru sei munguva yesarudzo.

“Vechidiki vanofanira kurwira budiriro yavo nekuti ndivo vakabata remangwana renyika saka havafanire kubvuma kushandiswa nemamwe mapato mukukonzera mhirizhonga panguva yesarudzo dzino kana dzichatevera,” vanodaro.

Amai Emily Chivasa vekuChitungwiza vanoti vanofara kuti sarudzo idzi dziitwe sezvo dzanga dzatora nguva refu dzisina kuitwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Sarudzo idzi dzaifanira kuitwa mugore ra2020 asi ndiyo nguva yakatsviriridza Covid-19 izvo zvakaita kuti mazuva esarudzo apfuudzwe kumberi. Tinoda kuti pave nesarudzo kuitira kuti nzvimbo nenzvimbo inge iine mumiriri wayo zvinobatsirawo kuti basa rishandwe nemazvo.

“Chatinoda zvikuru mabasa ebudiriro akadai sekugadzirwa kuri kuitwa mugwagwa wedu weSeke Road nekuti kuti zvinhu zvose zvifambe panoda migwagwa yakanaka. Tinoda zvekare mvura yakachena mupombi dzedu saka tinotenda nekuparurwa kwakaitwa zvibhorani svondo rino nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa. Zvipatara zvedu nemakiriniki tinoda kuti zvivandudzwe zvekare tisimbaradze nyaya dzeutano,” vanodaro.

Irene Tazvitya wekuZengeza West anotiwo anoshuvira kuti sarudzo dziitwe murunyararo.

“Hatidi mhirizhonga zvachose nekuti inodzorera kumashure budiriro yenyika saka zvakakosha kuti vanhu vangovhota murunyararo uye anenge ahwinha ahwinha asi anenge aruzawo ngaazvitambire nekuti upenyu hunongoramba huchifambira mberi,” anodaro.

Nyaradzo Mashayamombe anova director wesangano rinomiririra madzimai nevanasikana reTag A Life International anoti runyararo rwakakosha panguva yekuvhota sezvo rwuchichengetedza chimiro chenyika.

“Veruzhinji vanofanira kuziva kodzero dzavo dzekuvhota, chinangwa chekuvhota uye kukosha kwesarudzo dzemhando iyi muraramo yavo. Zvakakosha kuti sarudzo dziitwe murunyararo,” anodaro.

Director wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vanoti vanhu vanofanira kuramba vachitevedza mitemo yakadzikwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Oraginasation (WHO) mukuchengetedza utano, zvikuru sei munguva yesarudzo.

“Vanhu havafanire kuzomira mumitsetse vakati kwati-kwati, mamasiki ngaapfekwe nemazvo akavhara mhuno nemuromo. Kushambidza maoko nemasanitizer kunobatsira mukuderedza chirwere ichi nekuti chichiriko uye chiri kuuraya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>