Tinoda World Cup: Gems

08 May, 2023 - 09:05 0 Views
Tinoda World Cup: Gems Zimbabwe Gems

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika chenetball chemaGems — Ropafadzo Mutsauki — anotsidza kuti vachanorwira mukombe apo vachaenda kumakwikwi eVilality World Cup 2023 kuSouth Africa.

MaGems ari kudzokera kumutambo weWorld Cup zvekare gore rino uyo uchatambirwa kuCape Town, kuSouth Africa kutanga nemusi wa28 Chikunguru uchizopera nemusi wa6 Nyamavhuvhu.

Chikwata chaMutsauki ichi chichapinda mukembi mumasvondo ari kutevera apo chichaongorora vatambi vakasiyana vekutakura kuenda navo kuCape Town.

Muhurukuro, Mutsauki anoti vanoda kuenda kuSouth Africa vaine chikwata chakasimba icho chichanorwira mukombe weWorld Cup.

Anoti havazi kuenda kunongozadzikisa zvikwata zvichakwikwidza kumutambo uyu asi vanotoda kuhwina mukombe wacho ugouya kuZimbabwe.

“Kana vanhu vachigadzirira kupinda muhondo, hamugadzirire kuenda kunokundwa, kwete, munogadzirira kunohwina. Saka isu sechikwata tiri kuda kuenda kuCape Town tonorwa semvumba tigounza mukombe uyu kuZimbabwe.

“Tinoziva kuti kune dzimwe nyika dzinotamba kutidarika, asi isu tiri kuvarongera, ticharwa kuti tikwikwidzane navo tigounza mukombe kuno,” anodaro.

Ropafadzo Mutsauki

MaGems nguva yadarika ange achipinda mukembi achibuda uye ari kudzokeramo svondo rinotevera apo Mutsauki anoti vanoda kutarisa vatambi vakasiyana.

Mutsauki anoti vanoda vatambi vanosvika 30 vekushanda navo vakatarisana neWorld Cup apo vonozoumba chikwata chekutakura kuenda nacho kuCape Town.

“Apo patiri kupinda mukembi rwendo runo, tiri kudana vamwe vatambi vange vasiri muchikwata chemaGems nekuti tinoda kuongorora vatambi vakasiyana tichitarisa nevatagara tiinavo.

“Shuviro yedu kuvaka chikwata chakasimba chepamusoro chekutakura kuenda nacho kuCape Town nekuti rwendo runo tichanoda kunorwa semvumba tichirwira mukombe,” anodaro.

Chikwata chichaenda kuWorld Cup chegore rino chichange chakasiyana zvikuru nechakapedzisira kuenda mugore ra2019 sezvo vatambi vazhinji vakaita saPerpetua Siyachitema, Pauline Jani naRudo Karume vakasendeka kutambira maGems.

Siyachitema akatosiya zvachose kutamba netball ndokutanga kurairidza mutambo uyu kuchikwata cheGlow Petroleum Queens icho chinokwikwidza muRainbow Amateur Netball League (RANL), kuchiti Jani ave kungotambira chikwata chake cheMambas Queens.

Share This:

Sponsored Links