Tinokoshesa kurimwa kwedonje: Masuka

06 Oct, 2023 - 16:10 0 Views
Tinokoshesa kurimwa kwedonje: Masuka Dr Masuka (kurudyi) vachimema sitendi yeCOTTCO.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa – Dr Anxious Masuka – vari kupembedza varimi vedonje vachiti pasina ivo, veruzhinji vanodhurirwa nezvipfeko, mafuta anosvinwa kubva muchirimwa ichi, kurasikirwa nemabasa uye upfumi hwenyika hunoderera.

Vakataura mashoko aya pamhemberero dzeWorld Cotton Day dzakaitirwa muguta reHarare nemusi weChina.

“Mhemberero dzeWorld Cotton Day dziripo pakuti tinzvere budiriro yaitwa mukusimudzirwa kwechirimwa ichi tichitarisa rwendo rwatakafamba nevarimi vedonje, madhumeni nevatsigiri, kunyanya mukusimudzira varimi vekumaruwa. Donje rinovandudzwa richigadziriswa mbatya, chikafu chemombe, mafuta nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kuita zvinoendeka, kubva mudonje kuenda kufashani”.

“Dindindira iri rinofambirana nezvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa pasi pezvinangwa zveVision 2030 mukuona kuti veruzhinji vawaniswa masimba munyaya dzemabasa kuti raramo yavo isimukire. Tinoda kurima kunosimudzira maindasitiri ekumaruwa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoenderera mberi vachiti: “Kurimwa kwedonje kwakasimukira kubva pamatani 56 044 mumwaka wa2020/21 kuenda pamatani 90 085 mumwaka wa2022/2023 kunova kukwira nechikamu che61 percent.”

Vanoti havasi varimi vese vakabhadharwa mari dzedonje ravakaendesa kumisika nekudaro vanokurudzira vakapa makondirakiti ekurima kuvarimi kuti vavabadhare nenguva.

“Chirongwa chedonje chinobhadharwa nenzira dzakadai sePresidential Climate-Proofed Cotton Input Scheme (Pfumvudza/Intwasa) chichitsigirwa nekambani yeCOTTCO kuvarimi vanosvika 520 000. SeHurumende, tinoshora zvikuru kutengeswa kwedonje nerweseri kumakoronyera.

“Hurumende ine chikamu che51 percent mukurimwa kwedonje uye inotsigira kambani yeCOTTCO mukuona kuti hakuna varimi vanosara kumashure,” vanodaro.

Donje

Dr Masuka vanoti mwaka wemvura wa2023/2024 uri kutarisirwa kunaya mvura isina kutsarukana munzvimbo zhinji dzenyika nekudaro vanoyambira varimi kuti vashandise nzira yePfumvudza mukurima uye madiridziro kuitira kuti vasarasikirwe negoho zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze.

“Chikamu che94 percent chedonje rakatengeswa mwaka wadarika, chaive cheGrade C neD nerimwe shoma reGrade A neB iro rakange riine chikamu che6 percent. Ndakapa basa chikamu cheARDA neAgriculture Marketing Authority kuti vatarise matambudziko ari kuita kuti nyika ive nekuderera kwegoho redonje repamusoro,” vanodaro.

Mai Pauline Nyambishi, avo vanorimira kuMt Darwin, mudunhu reMashonaland Central, vanoti vanorima hekita imwe chete yedonje asi vachiwana goho rakakura.

“Ndakakwanisa kuvaka musha wangu, kucheresa chibhorani nekuendesa vana kuchikoro nemari yedonje. Dambudziko bedzi nderekufa kwakaita mombe nekuda kwechirwere cheJanuary Disease saka hatichina mombe dzakawanda dzekurimisa izvo zvava kuita kuti tirime minda midiki,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Miriam Mukasa vekuMt Darwin kwekare vachiti: “Ndine mwana akatopedza dhigirii rake paUniversity of Zimbabwe nemari yedonje uye ndakavaka imba yangu ine makamuri mashanu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>