Uncategorized

Tinoshandisa magadziko kuvhura madoor: muroyi

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Tinoshandisa magadziko  kuvhura madoor: muroyi

Kwayedza

‘Ummm, chiropa chemunhu kunaka!l ‘Ummm, chiropa chemunhu kunaka!

Danisa Masuku—

MWANA mukomana ane makore mashanu okuberekwa wekuKezi, kuMatabeleland South, ari kushamisa vagari veko achiti aneta kushandiswa nemuvakidzani wavo mumabasa ekuroya uye kana vava “pabasa”, iye nevamwe varoyi vanovhura magonhi edzimba dzevanhu husiku vachishandisa magadziko.

Nyaya iyi ichibuda, zvinonzi pakutanga mwana uyu akaudza baba vake kuti aneta nekushandiswa mumabasa ehuroyi nemuvakidzani wavo.

Kamwana aka – ako katisingadome zita rako kana revabereki vako kuitira kukachengetedza – kakaudza vanhu vaiva pamusangano ikoku kuti vanodya nyama yezviropa zvevanhu vakafa, vachibhururuka nerusero kana kufamba vakatasva madhongi.

Vanhu vaiva pamusangano uyu vakashamisika apo mwana uyu akati iye nevamwe vake vanovhura magonhi edzimba vachishandisa magadziko avo apo vanenge vachiroya.

Baba vemwana uyu vanoti muvakidzani wavo haasati aregedza tsika yake yekushandisa kamwana kavo kuroya zvisinei nekuti akafumurwa pamusangano uyu.

“Handizive kuti ndingaitewo sei! Ndaifunga kuti mushure mekufumurwa kwaakaitwa pamusangano wenharaunda, acharegera mabasa ake aya, asi mwana wangu ari kugara achindiudza kuti mukadzi uyu achiri kumushandisa mumabasa ake ekuroya. Ndava kutyira kuti achagumisira auraya mwana wangu,” vanodaro baba ava.

Muhurukuro nemwana uyu, anoti muvakidzani wavo achiri kumushandisa mumabasa ekuroya.

“Tichiri kubhururuka husiku tichishandisa rusero. Tinodya zviropa zvevanhu vakafa uye magonhi edzimba dzevanhu tinoavhura tichishandisa magadziko edu,” anodaro mwana uyu, baba vake vevamwe vemumhuri varipo.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kwaSabhuku Mitsho Nyathi vemunzvimbo iyi, avo vakazoronga musangano wakapindwa nevanhu vose vemubhuku iri pamwe nemunyori wedare raMambo Nyangazonke.

Sabhuku Nyathi vanotsinhira nyaya inoshamisa iyi.

“Takaita musangano apo mwana uyu akaudza vanhu vaivepo, kusanganisira munyori wedare raMambo Nyangazonke, kuti aneta nekudya nyama yechiropa yevanhu vemunharaunda mangu vanenge vafa nenzira dzisinganzwisisike uye nekubhururuka nerusero kana kufamba vakatasva dhongi pamwe nekuvhura magonhi edzimba vachishandisa magadziko,” vanodaro sabhuku ava.

Sabhuku Nyathi vanoti pamusangano wakaitwa uyu vagari vemunharaunda vakapa pfungwa dzekuti mukadzi ari kunzi ari kushandisa mwana uyu kuroya adzingwe mubhuku ravo.

Mambo Nyangazonke havana kukwanisa kutaurwa navo kuti vape maonero avo panyaya ino sezvo nhare yavo yakatadza kubatika.

Share This:

Sponsored Links