Uncategorized

Tiri kugadzirira mishonga: Nzenza

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Tiri kugadzirira mishonga: Nzenza Dr Sekai Nzenza

Kwayedza

Tendai Rupapa
SERIMWE rematanho ekurwisa chirwere cheCovid-19, Hurumende yakatotanga hurongwa hwekuti muno mugadzirwe mishonga inobatsira mukudzivirira nekuderedza marwadzo edenda ratekeshera pasi rose iri.

Kana yavapo, mishonga iyi ichange iri yepachena.

Covid-19 haisati yava nemushonga unoirapa uye kusvika nenemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine coronavirus muZimbabwe.

Vatatu vevanhu ava — vose vanhurume — vakatoshaya.

Gurukota rezvemaindasitiri, Dr Sekai Nzenza — avo vanovazve sachigaro wekomiti yekugadzirwa kwezvinhu muchikwata chakaumbwa kurwisa Covid-19 — vanoti bazi rehomwe yenyika rakatokumbirwa kuti ripe US$617 000 yekutenga zvinodiwa pakugadzira mishonga iyi kunze kwenyika.

Vanoti chikumbiro chemari iyi vakachiita svondo rapera.

Nemusi weChina svondo rapera, Dr Nzenza nenhengo dzekomiti yavo vakanomema mashandiro eNational Pharmaceutical Company (NatPharm) neCAPS Holdings Limited nechinangwa chekuda kuziva mishonga iripo uye kukwanisa kwemakambani maviri aya kugadzira mishonga inokwana.

KuNatPharm, Dr Nzenza vakaratidzwa mishonga yekushambidza maoko (sanitisers) pamwe chete nenhumbi dzekuzvidzivirira (personal protective equipment) izvo zviri kugadzirwa nemayunivhesiti emuno sedanho rawo rekurwisa coronavirus.

Izvi zviri kusvikira kuNatPharm uko zvinozoendeswa kumatunhu ose enyika.

Dr Nzenza vakaratidzwawo matesting kits achangosvika kubva kunyika yeChina.

“Takakumbira kubazi rehomwe yenyika US$617 000 yekuti tikwanise kuunza zvinodiwa pakugadzira paracetamol nemimwe mishonga yakakodzera, ticharamba tichiona kuti mishonga inonyanya kudiwa pakurwisa Covid-19 iripo,” vanodaro.

Dr Nzenza vanoti gadziriro yeNatPharm neCAPS inofadza.

Hurumende iri kuita kuti kurapwa kweCovid-19 kureruke uye kuchiitwa pachena.

CAPS Holdings iri mushishi kugadzira mishonga kuchiti dura reNatPharm rine mishonga yakakosha pakurwisa Covid-19.

Dr Nzenza vanoti vanhu vane zviratidzo zvekuti vane Covid-19 havafanirwe kuvhunduka kana kuzeza kuzodhurirwa kana vakaenda kukiriniki kana kuchipatara chiri pedyo navo sezvo vasingabhadhare kana vakaonekwa kuti vane denda iri.

Vanoti kana pari panyaya dzemishonga, Hurumende yakagadzirira.

“Mushonga chaiwo unorapa Covid-19 hausati wavako. Zvisinei, mumwe wemishonga inobatsira iChloroquine iyo yatisina yakakwana pari zvino. Tiri kutoitenga yakagadzirwa kare pamwe chete nezvinodiwa kuti tigogadzira imwe muno,” vanodaro Dr Nzenza.

“Ndinozivisa veruzhinji kuti tiri kugadzira mishonga ingadiwe kana zvinhu zvikashata. SeHurumende, takagadzirira.”

NatPharm acting regional manager, VaRaguel Mthombeni, vanoti vangomirira kugashira Chloroquine yavakatotenga.

Kuchiti production director weCAPS Holdings, Mai Farirai Mtema vanotiwo paracetamol yakakoshera pakuti inobatsira kunyaradza marwadzo nekuderedza kupisa kwemuviri kumurwere anopiswa nekupindwa nechando.

Share This:

Sponsored Links