Uncategorized

Tiri kuita ongororo: uz professor

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VARIMI vanokurudzirwa kuti vachengetedze goho ravo kubva kuzvipfukuto, zvikuru chemhando yeLarger Grain Borer (GLB), icho chinoparadza zvikuru kana vakasatora matanho ekuchidzivirira.Mhando yechipfukuto iyi inodzosera shure zvikuru sezvo chichikwanisa kuparadza zvinhu zvakawanda kunze kwesimbi.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva yadarika nenyanzvi munyaya dzekuongorora mishonga yezvikupfuto dzekuchikamu chinoona nezvevhu nekurima kuUniversity of Zimbabwe (Posthaverst Science and Technology Department of Soil Science and Agricultural Engineering) pagungano revarimi kuMahuwe, kuMbire kudunhu reMashonaland Central.

Vachitaura pachiitiko ichi, Professor Brighton Mvumi, avo vari muchikamu chinoona nezveivhu nekusimbaradzwa kwezvekurima kuUZ, vanoti nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, dzimwe mhando itsva dzezvipfukuto dziri kunyuka dzichiparadza goho.

“Kune dzimwe mhando itsva dzezvipfukuto dziri kunyuka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze uye zvipfukuto izvi zvimwe zvacho hazvichangofa nyore, kunyangwe tikashandisa mishonga yemhando ipi. Ndicho chikonzero tiri kuita ongororo iyi kuti tibatsirane nevarimi pamusoro penzira kwadzo dzekuchengetedza goho,” vanodaro Prof Mvumi.

Vanoti nzvimbo nenzvimbo dzinotambudzwa nezvipfukuto zvakasiyana zvichienderana nemamiriro ekunze.

“Tiri kuita ongororo iyi kuWedza nemuno muMbire. KuWedza kunotonhora asi kuno kunopisa zvakanyanya izvo zvinopa mikana yekuti zvipfukuto zvinge zvichibereka nehuwandu hwazvo.

“Ongororo yatakaita muno inosanganisira kushandiswa kwenzira dzechivanhu dzakaita sedota remiti yemupani, remaguri nemashizha emupuranga uyewo nzira dzechiRungu dzekushandisa masaga ane purasitiki mukati kana mimwe mishonga yekuuraya zvipfukuto,” vanodaro.

Vanoti chipfukuto chemhando yeLGB chinodya zvirimwa nezvimwe zvinhu zvose kusara kwesimbi, nekudaro zvakakosha kuti varimi vashandise matura emarata (metal silos) kana mishonga yemhando yepamusoro pakuchidzivira.

Muongororo yavakaita kuMbire, vanodaro Prof Mvumi, vakaona kuti dzimwe nzira dzaimboshandiswa pasichigare dzekufirita zvirimwa nedota kuti zvisaparadzwe nezvipfukuto hadzichashande, kusanganisira mimwe mishonga yechizvino-zvino.

“Zvipfukuto zvinoita zvichijairira mishonga kana dota zvekusvika pakusafa. Veutano nevanoona nezvekunyoreswa kwemishonga vanorambidza kusevenzeswa kwemapiritsi aye anonhuhwa mukurwisa zvipfukuto nekuti anouraya,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Dr Tanya Stathers vekuUniversity of Greenwich, kuUnited Kingdom, avo vari kuitawo ongororo yezvipfukuto, vanoti zvinorwadza kuti murimi anotora nguva yake huru nezvekushandisa zvakawanda muminda asi achizopedzerwa goho rake nezvipfukuto.

“Varimi ngatikoshesei ziya nemari yedu nekuti kurima kunorwadza. Ngatisatii kana zviya tapedza kurima tokanda zvirimwa zvedu mudura, tofuratira nekuti mangwana tinowana hwangova hupfu zvaparadzwa nezvipfukuto izvo zvinogaya kunge chigayo.

“Goho rinoda kuchengetedzwa kuburikidza nekushandisa ruzivo rwatinowaniswa nevarimisi,” vanodaro.

MacDonald Mubaiwa, uyo ari kudzidza paUZ uye ari kuita tsvakurudzo yekuchengetedzwa kwegoho, anoti kuburikidza neongororo iyi, varimi vanokwanisa kuita sarudzo yakanaka yekuchengetedza goho isingadhure kana kukanganisa nharaunda neutano hwavo.

Mumwe murimi wekuMbire, Sabhuku Expence Musiyambiri Gwaze vekuWard 10, vanoti chipfukuto cherudzi rweLGB ndicho chavaonesa chitsvuku sezvo chichiparadza goho rose kubvira chibage, nyemba nemapfunde.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>