Tiri kushushikana nekudofora kwevana: Thabela

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Tiri kushushikana nekudofora kwevana: Thabela Mai Thabela

Kwayedza

Patrick Chitumba
HURUMENDE iri kushushikana zvikuru nekufoira kuri kuita vana vemune zvimwe zvikoro – kunyanya kuzvikoro zvinodaidzwa kuti “satelite schools”.

Izvi zvinotevera kudofora kwakaita vana vemuzvikoro 250 zvepuraimari nesekondari mubvunzo dzegore rapera avo vakabuda vasina chavainacho – 0 precent – pabvunzo idzi.

Munyori mukuru mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti hofisi yemutungamiriri wenyika (Office of the President and Cabinet) pamwe chete nekomisheni yePublic Service Commission vari kushushikana zvakanyanya nekudofora kuri kuita vamwe vana muzvikoro.

Vakataura mashoko aya apo vaiparura mitambo yeNational Association of Primary School Heads (NAPH) neNational Association of Secondary School Heads (NASH) iyo yakaitirwa pachikoro cheMidlands Christian College, kuGweru, svondo radarika.

“Bazi repuraimari nesekondari riri kushushikana zvikuru nekuderera kuri kuita dzidzo muzvikoro zvemasatelite schools. Pabvunzo dzeGrade 7 dza2018, zvikoro 68 zvepuraimari zvakabura zero percent apo paO-Level zvikoro 194 zvakaitawo zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Mai Thabela vanoti vatsigiri vechikamu chedzidzo vari kurwadziwa nenyaya yekuderera kwekupasa kwevana uye zvimwe zviri kukonzerwa nekushaikwa kweongororo yakasimba maringe nemadzidziro evana muzvikoro.

“Izvi zvinobva zvandiunza panyaya yezvakabuda mubvunzo dzeO- neA-Level dza2018,” vanodaro. “Muchaona kuti idzi ndidzo bvunzo dzekutanga zvichitevera chirongwa cheNew Curriculum. Vadzidzi veO-Level vakapasa nechikamu che32,6 percent apo veA-Level ndokupasa nechikamu che84,7 percent. VeGrade 7 vakapasa nechikamu che53,42 percent.”

Mai Thabela vanoti panofanira kuitwa ongororo yakasimba kuti paonekwe zviri kusanganikwa nazvo nezvikoro kuitira kuti zvigadziriswe nenguva.

Vanokurudzira zvikoro zvose kuti zvimutsiridze chirongwa chekupihwa chikafu kuvana senzira yekuderedza kusiira chikoro panzira.

“Chirongwa chekupihwa kwechikafu muzvikoro kuvana chakange chambomiswa nekuda kwekunyuka kwechirwere checholera. Asi, nekuda kwenzara iriko gore rino – zvikuru zvichikonzerwa nemafashamu ane dutu eCyclone Idai – tinokurudzira zvikoro kuti zvichitangisa chirongwa chekuwanisa kudya kuvana muzvikoro,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>