Uncategorized

Tiri mugwara: President

04 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Tiri mugwara: President President Mnangagwa

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanoti Zimbabwe iri mugwara kwaro muhondo yekurwisa chirwere che COVID-19 icho chabata nekuuraya zviuru zvevanhu pasi rose.

Kusvika pari zvino vanhu vapfumbamwe vawanikwa vaine chirwere ichi muZimbabwe uye mumwe chete wavo akatoshaika.

Sedanho rekurwisa kutapurirana nekupararira kwe COVID-19, svondo rapera President Mnangagwa vakatara nguva inokwana mazuva 21 – kutanga neMuvhuro 30 Kurume – ayo avakati munhu wose anofanirwa kumbogara mumba pasina zvekufamba-famba kana kuenda kumabasa.

Nhasi vanhu vemuZimbabwe vasvitsa mazuva matanhatu kubva pavatanga kugara mudzimba.

Mumashoko avo kunyika nezuro, President Mnangagwa vanoti Zimbabwe iri mugwara kwaro pakurwisa COVID-19 uye veruzhinji vanofanirwa kuramba vakazvibata.

President Mnangagwa vanoti  pari kuramba pachiongororwa vanhu senzira yekuderedza kupararira kwechirwere ichi.

“Svondo rapera ndakati munhu wose ambogara pamba kwemazuva 21. Ndinofara nezvaitwa neruzhinji.

“Matevedza nyaya yekugarisana muri kure nekure uye nehutsanana sezvinokurudzirwa neWorld Health Organisation. Zvekuungana zvamira kana kuti zvava zvishoma. Tiri mugwara kwaro. Rambai makadaro,” vanodaro President Mnangagwa.

Zvisinei, President vanoti izvi hazvifanirwe kuita kuti vanhu varivare, asi kuti vatoita zvakawanda mumasvondo kana mwedzi iri kutevera.

Vanoti mashoko kwawo pamusoro peCOVID-19 acharamba achisvika kuruzhinji.

President vanoti ongororo dzevane denda iri dziri kuwanda uye mibhedha yevarwere muzvipatara ichiwedzerwawo segadziriro yekuitira kana chirwere ichi chikazowanda muno.

“Mashandiro edu atekeshera nenyika, kunyanya tichitarisa mafambiro ari kuita vanhu vachienda kumaruwa. Pamusoro pezvo, zvimwe zvizvarwa zvedu zviri kuzvipira kudzoka zvichibva kune dzimwe nyika.”

“Pari zvino dzimwe nzvimbo dzekuti vanhu vaongororwe dzavapo uye dzicharamba dzichiwedzerwa kuti zvireruke kunzvimbo dzose munyika, chirwere ichi chisapararire,” vanodaro.

Vanotenda zvikoro zvedzidzo yepamusoro nebasa razviri kuita vachiti zvichawana rutsigiro rwakazara kubva kuHurumende muongororo netsvakurudzo pamusoro pechirwere ichi.

President Mnangagwa vanoti vari mune zveutano vari kubata mabasa makukutu. Zvisinei, vanoti vana mukoti nemachiremba vanofanira kuwana zvipfeko zvinovadzivirira zvakakwana kuti vasatapurirwe coronavirus vari pabasa uye kuti vashande nemazvo vachiziva kuti vakadziviririrwa.

Share This:

Sponsored Links