Uncategorized

Titambire, mauya muGroup remapenzi

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
GROUP remapenzi repaWhatsApp rakakiriyetwa (rakavambwa) mumwe musi husiku! Ini pandakazomuka ndakashamisika kuona ndiine mameseji anoda kusvika ku500 egroup iri, uyewo group racho rakanga riine vanhu vaidarika 300!

Ndakafunga kuti pamwe ihope kana rimwe jee rinomboitwa nevanhu paWhatsApp, asi kwete, group iri chaive chokwadi. Chokwadi rakanga ravambwa group remapenzi ane pfungwa dzakarudunuka kunge fenzi yepapurazi remurungu akaenda.

Mumwe mupengo waive mugroup remapenzi wakati kune rimwe benzi rakanga ranyora zvinhu zvinonyadzisira, “Eee iwe, tinoda hunhu mugroup muno!”

Zvikanzi nerimwewo benzi, “Tibvirepo! Unopenga kana uchiti unoda hunhu iwe uri mugroup risina hunhu.”

Ipapo ndakabva ndaona kuti WhatsApp iToilet yepaMbare chaiyo inokutambira uchangopinda pamusiwo nebota remanyoka anenge marutsi! Unenge uchida chimbuzi, asi zvinokugashira zvacho zvinokushumura mwoyo kubva pamutariro wawo.

Ndinozviziva kuti ndakanyora bhuku rinonzi Mapenzi, asi zvekuti ndiri benzi rakakodzera kupinzwa mugroup remapenzi zvakandinetsa. Chete, chakazongondifadza ndechekuti ndakanga ndisiri ini administrator wegroup remapenzi iri, nekuti zvechokwadi mapenzi acho paakatanga kunyatsopenga, ndakabva ndabuda.

Asi mamwe mapenzi akaramba achinditevera kuti ndidzokere mugroup kuti ndinopururudzira hupenzi. Handichada zvemapenzi anongotanga magroup awo, obva atanga kujoinhisa vanhu asina kana kutaura kuti tiri kukujoinhisa mugroup remapenzi.

Vanhu vazhinji vaive mugroup remapenzi iri vakati vatadza kuziva chinangwa chegroup, vakabuda. Asi kune vamwe vanhu vasina chekuita muhupenyu hwavo vakarambira mugroup iri. Mushure mekunge mumwe ati, “Sezvo tisiri kuziva kuti igroup rei, ngatingobudai.”

Mumwe akabva ati, “Ngatimbomirai kubuda tione zvichazoitika mugroup rino.” Mumwewo akati, “Isu hatisi kuzobuda zvekumhanya.”

Mweya wekuda kuona wakafanana nemweya wechipfambi, asi unotiuraya.

Kana uchida kuona vanhu vanoda kuona, ukapinda muHarare, unogona kuona munhu ari kutamba nziyo dziri kurira mumusoro make, wobva watoona vamwe vanhu vachimira vachimuunganira nekutora mavhidhiyo. Kuda kuona ishave, uye kazhinji kacho zvaunoona hauzvikanganwe zvekumhanya. Hazvidzimike, hazvigezeke zvikayerera. Ziso ndiro chiyedza chemuviri.

Mameseji akazoti aramba achipinda kunge suweji yaputika, mugroup remapenzi makatanga kunhuhwa nekusemesa, asi pane mapenzi akatanga kuseva suweji yacho vachidyisa sadza.

Makatanga kutumirwa nyaya dzehupombwe. Ndipo pandakaona kuti foni dzedu ichechi dzembwa, uye dzichatadzisa vakawanda kupinda denga.

Ndakabva ndabuda mugroup remapenzi nekuti pfungwa dzinotongwa nenyama dzinovengana naMwari. Hupenyu hwedu hwave kutongwa nemapenzi anotikururisa hembe dzehunhu, tosara tafanana nawo.

Group remapenzi rakakiriyetwa husiku takarara. Husiku inguva yekurara, yekuzorora. Zvinhu zvinoitwa husiku zvakasviba serima ndezvinoti: huroyi, hupombwe, humbavha nekuramba Jesu saPeter ari kudziya moto.

Husiku hwakakiriyetwa group remapenzi reWhatsApp ndihwo husiku hune rima rakashandiswa nemumwe munhu kuti akanganise muvakidzani wake.

Jesu akati, “Humambo hwekudenga hunofananidzwa nemunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vese pavakanga varara, muvengi wake akauya akakusha masawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.”

WhatsApp haina kuipa, asi yako iri kugashira nekutumira chii? Mwari vanoti, “Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka yehumambo hwaMwari?

Musanyengerwe, nekuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zveufeve, kana varume vanodanana nevamwe varume, kana mbavha, kana vane madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagare nhaka yehumambo hwaMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>