Uncategorized

Tsenzi imhuka yakaita sei?

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
TSENZI kana kuti senzi imhuka yemusango isina kunyanya kukura uye pachiRungu inodaidzwa kuti “cane rat”.
Tsenzi haisi muchikwata chemakonzo zvisinei nekuti zita rayo pachiRungu rina gonzo (rat) asi kuti iri pedyo nenungu iyo inonzi “porcupine”. Kana yakura inorema 5kg, iine makumbo mapfupi nemuswe usina kureba uye usina mvere dzakawanda.

Tsenzi dzinofura sora pamwe nekuparadza zvirimwa zvinosanganisira chibage nenzimbe apo zvinenge zvichiri muminda. Mhuka idzi dzinofarira kugara munzvimbo dzine hunyoro uye dzinotuhwinha mumvura zviri nyore.
Dzinowanzofamba dziri mbiri uye dzinobara vana vana.

Bhuku “Wild Mammals: Bundu Series” rinoti muZimbabwe mune mhando mbiri bedzi dzetsenzi – mazihombe nedzimwe dzine muviri muduku. Vamwe vanodzibata vachida nyama yadzo iyo inonzi “manyautsa mukanwa” kunaka.

 

Share This:

Sponsored Links