‘TSIGIRAI LOGA’

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘TSIGIRAI LOGA’ Zdravko ‘Loga’ Logarusic

Kwayedza

Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vanoti hapana chinokonesa Zimbabwe kuenda kumakwikwi e2022 Qatar World Cup zvichitevera kugadzwa kwemurairidzi mutsva wechikwata chenyika chemaWarriors, Zdravko Logarusic.

Loga, sezita remadunhurirwa raLogarusic iro raakapihwa nevatsigiri venhabvu, akagadzwa pachigaro chinopisa ichi neZifa achitsiva Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uyo akasiya basa gore rapera.

Joey ‘Mafero’ Antipas ndiye ange akafanobata chigaro ichi zvichitevera kubva kwaMhofu.

Chizvarwa chekuCroatia ichi, Loga, akaparurwa zviri pamutemo svondo radarika nesangano reZifa.

Mutungamiri weZifa, Felton Kamambo, akabva azivisa Loga kuti maWarriors anofanirwa kuenda kumakwikwi ese enhabvu anoti African Nations Cup (CHAN), Africa Cup of Nations (Afcon) 2021 neFifa World Cup 2022.

Muhurukuro nevatsigiri venhabvu vakasiyana vanoti remangwana remaWarriors rakajeka zvikuru zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Loga.

Mutungamiri wesangano reFriends of Warriors, Edward Chimedza, anoti kuuya kwaLoga kwaunza chiedza chakanaka uye pane tarisiro huru yekuti achabata basa sebasa.

“Loga auya, tinofanirwa kumupa nguva anyatsobika chikwata chake uye Zifa ngaimutsigire nekumupa zvese zvaanoda kuti agoita basa rake nemazvo. Tine mukana wekuita zvikuru munhabvu naLoga uye tiri kumutemba kuti achabata basa, 2022 ndaona tichienda kuWorld Cup naye. Asi anofanirwa kutanga atidzosera kuAfcon zvekare,” anodaro Chimedza.

Mashoko ake anotsinhirwa neshasha inozivikanwa pakutsigira nhabvu, Chris ‘Romario’ Musekiwa achiti Loga anofanirwa kuwana rutsigiro ruzere kubva kuZifa, mapoka akasiyana anoona nezvenhabvu pamwechete nevatsigiri.

“Murairidzi wedu mutsva tinaye uye tiri kufamba naye, toda kumuona achibudirira. Anofanirwa kupihwa rutsigiro rwese rwaanoda kuti agobudirira mubasa rake. Kana akataura kuti ane vatambi vaanoda, ngavauye nenguva kuitira kuti ashande navo agozivana navo.

“Tine mitambo mikuru iri kuuya saka tinoziva kuti tikamutsigira zvakasimba tinobudirira chete, kunyanya mumutambo weCHAN uri kuuya munaKubvumbi. Asi mikuru yeAfcon neWorld Cup yatiri kuda ndine chivimbo chekuti ari kuzotiendesa,” anodaro.

Munyori mukuru weFriends of the Warriors, Zivanai Muwashu anoti kuve nemurairidzi wekunze kunobatsira zvikuru mune zvakasiyana.

“Uku ndiko kubudirira kwatave kuita munhabvu yedu, tave kufamba mugwara chairo naLoga. Tine varairidzi vemuno hapana kwataienda nekuti vamwe vaisarudza vatambi vekuzvikwata zvavo kuti vagouya kumaWarriors, manje naLoga achanyatsoongorora vese osarudza vatambi vaanoda avo vaanoona kuti ndivo vanokodzera kutambira maWarriors.

“ Mumaonero angu, izvi zvichatibatsira kuti vatambi vanogona vachashevedzwa uye vachatamba nhabvu votisvitsa kure,” anodaro Muwashu. Mutambo wekutanga waLoga achirairidza maWarriors uriko musi wa23 Kurume apo achasangana neAlgeria, kuAlgeria mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuAfcon 2021.

Svondo rinotevera racho, maWarriors achange ari pamusha apo achasangana neAlgeria mumutambo weAfcon zvakare.

MunaKubvumbi, Loga ane basa guru rekubata sezvo achatungamirira maWarriors kumakwikwi eCHAN achaitirwa kuCameroon.

MaWarriors akaiswa muboka reGroup A rine zvikwata zvinoti Cameroon, Burkina Faso neMali.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>