Tsiva haina mari: Manyuchi

26 Apr, 2023 - 12:04 0 Views
Tsiva haina mari: Manyuchi Charles Manyuchi

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva – Charles Manyuchi – anoti mutambo uyu munyika muno hauna mari nekudaro masangano akadai seZimbabwe National Boxing and Wrestling Control Board (ZNBWCB) anofanirwa kuita mushandirapamwe wekuusimudzira nechinangwa chekubatsira vatambi vakasiyana.

Manyuchi, uyo ari kugadzirira kusendeka magirovhosi ake etsiva izvo zvichamuona achirwa naSheriff Kasongo wekuDemocratic Republic of Congo (DRC) nemusi wa27 Chivabvu, anoti Zimbabwe ine vatambi vetsiva vakawanda vanoda kusimudzirwa matarenda avo.

“Shoko randinoda kusira nyika yese nderekuti tsiva inoda mushandirapamwe wakasimba kuti mutambo uyu uenderere mberi. Hazvifanirwe kunzi kusiya kwaManyuchi kutamba tsiva ndipo paperera mutambo uyu, kwete! Tsiva inofanirwa kuenderera mberi nekuti tine vatambi vakawanda vane tarenda mumutambo uyu vanoda kusimudzirwa.

“Mitemo iripo iye zvino iri kurwadza, inorema izvo zviri kuita kuti mapuromota mazhinji vapere simba, saka zvinokanganisa mutambo uyu uye vanonyanya kukuvara vatambi. Naizvozvo ndinochema kuti dai pagadziriswa kuitira kuti mutambo uyu usimukire uende mberi muZimbabwe mubve shasha dzakawanda dzetsiva,” anodaro Manyuchi.

Manyuchi akanetsa mutsiva izvo zvakaona achihwinha mabhande 13 anosanganisira World Boxing Council (WBC) Silver, Africa Boxing Union (ABU) neWorld Boxing Federation (WBF).

Asati atanga kuita mukurumbira muZimbabwe, shasha iyi yaipembererwa zvikuru kunyika yeZambia uko akatambira kwenguva yakareba sezvo ndiko kunobva aimbove maneja wake wemakore akawanda, Chris Malunga, uyo akamusimudzira zvakanyanya.

Charles Manyuchi achirwa naQudratillo Abduqahorov

Manyuchi anoti muZimbabwe tsiva haina mari uye mapuromota mashoma izvo zvinove zvimwe zvikonzero zviri kudzorera mutambo uyu kumashure.

“Chokwadi munyika muno tsiva haina mari, haibhadhare nekuti ukada kuronga mutambo mari yaunobuda ipapo yakawandisa zvikuru uye vanhu vanozouya kuzoona mutambo wacho vashoma chaizvo zvekuti mari yako yaunenge waburitsa muhomwe haimbodzoke.

“Saka pakuda kuitwa mushandirapamwe toonesana kuti todii kuti mutambo uyu usimukire tigadzirire gwara revatambi vemangwana kuti nzira yavo inge isina makomba akanyanya sezvataisangana nazvo murwendo rwedu kusvika tave pamusoro pandakasvitswa nemutambo uyu,” anodaro.

Manyuchi ari kusendeka magirovhosi ake ave nemakore 33 okuberekwa panguva iyo anofanirwa kunge achiri kutopisa achirwa sezviri kuita vamwe vatambi vane mukurumbira pasi rese vezera rake vakadai saAnthony Joshua (33), Tyson Fury (34) naOleksandr Usyk.

Anoti ange ane shuviro yekuramba achienderera mberi nemutambo uyu asi nyaya yekushaya rutsigiro rwakasimba ndiyo yakamutuma kusendeka tsiva.

“Ini handisati ndanyatsokura chaizvo, ndingori nemakore 33 okuberekwa uye vezera rangu kunze uko vachiri kutorwa. Ndaida chaizvo kuti ndirambe ndichienderera mberi mumutambo uyu asi mamiriro akaita zvinhu ndiwo ari kundituma kuti ndichisiya,” anodaro.

Mune remangwana asiya tsiva, Manyuchi anoti anoda kusimudzira mutambo uyu asi hunge pakaita vamwe vanokwanisa kuuya kuzoshanda naye.

Panguva yake achipisa, Manyuchi akavamba Charles Manyuchi Boxing Academy iyo ine vatambi vakawanda avo vaange achidzidzisa tsiva.

Vamwe vevatambi ava vacharwa pamutambo wake wekupedzisira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>