Uncategorized

Tsoko hodhi mu‘office’. . . pweshe patebhuru . . . maziso akavhurwa

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Tsoko hodhi mu‘office’. . . pweshe patebhuru . . . maziso akavhurwa Agini Mutefu achitaridza paanoti pakafira ambuya vake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
TSOKO yotokanyaira ichinoti bherengende kupinda mu‘‘office” munoshandira munhukadzi. Imomo, inosvikoti pweshe kugara patebhuru, yovhura maziziso ayo yakamudzvokora.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mukadzi uyu anomomoterwa nenyuchi ari mubasa, rimwe zuva ndokuingwa nezibuwebuwe (spider) rinonzi rainge rakakura kunge mbeva.

Aya ndiwo mamwe emanenji kana kuti “mahwani” ari kusangana nemukadzi wechidiki anogara mumusha weMbare apo anenge ari kubasa kwake kuAvondale, muHarare.

Agini Mutefu (46) anoti zviri kuitika kwaari zviri kukonzerwa nemweya wengozi yaambuya vake —“avo vakafa ndokuvigwa nemabhanditi”.

Muhurukuro neKwayedza apo chiso chake chainge chizere kutya nekusuwa, Agini anoti mashura aitika kwaari awandisa uye haana zvaanokwanisa kuita kuti zvipere.

“Fanika zvetsoko yakandivinga mubasa ikasvikogara patebhuru pangu yakandidzvokora nenyuchi zvakandipedza simba. Nanhasi ndichiri kungotya . . .

“Kunze kwaizvozvo, ndakavingwa nezibuwebuwe rainge rakakura kunge mbeva ndikazvishairwa pazvo. Kozoti zvekare ndakambodzingirirwa nezinyoka,” Agini anorondedzera nhamo yake.

Agini anoti kana vakabika zvekudya, zvose zvinosanduka ruvara uye anomborikitwa kurohwa nechipoko chaambuya vake chichiti vanofanira kufukunura mutumbi wavo vouviga zvine chiremerera.

Agini – uyo anogara nemwana wake nedzimwe hama panhamba A53 Matapi uye kumusha achibva mubhuku raNgaachiti, kwaMambo Bota, kuZaka – anoti iye nevamwe vake vaoneswa chakati tende nemweya waambuya vavo vainzi Mutuma Mafambiseni Mutefu, avo vakashaika mugore ra1983.

“Ambuya ava ndiamai vaamai vangu, vakafa vaine makore 73 okuberekwa apo ini ndainge ndirere navo mumba apo ndaiva nemakore 12. Panguva iyi vaigara nemwanasikana wavo – Rita Kundayi Mutefu – vanova amai vangu avo vakazoshayawo mugore ra2009.”

Agini anoenderera mberi: “Mbuya vakangotanga kubuda ropa muviri wavo wose pasina maronda ndokubva vafa ini ndiinavo. Ini handina kuziva kuti vafa, ndakangoramba ndiri mumagumbeze nechitunha chavo.

“Zvino chipoko chavo chondionesa chitsvuku,” anodaro.

Agini anoti ambuya vake ava vaiva svikiro guru kuMachangani uye vakambochengetwa nevebazi reSocial Welfare vachirwara ndokuzodzoswa kumba uko vakazofira.

Baba vangu, anodaro, vaiva vekuMalawi avo vainzi Gideon Mutema Vitorini uye vakashaikawo mugore ra2004 vakavigwa nemabhanditi.

Anoti nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, mhuri yavo inotora kumusha kwaambuya vavo kuZaka sekumusha kwavo.

“Ambuya vafa kudaro, hama dzavo dzekwaChimuka, kwaChekenyere, hadzina kuuya kusvikira vakavigwa nemabhanditi pasina wehukama aivapo. Mutumbi wavo wakanga wagara mumochari kwemwedzi mitatu uye nanhasi hama dzavo hadzizive kune guva ravo.

“Ambuya vaiva svikiro uye machira avo emudzimu, chuma, tsvimbo, makano, nhekwe dzefodya nezvimwe zvakazotorwa nemumwe mwana wavo akaenda nazvo,” anodaro.

Agini anoti mushure mekushaika kwechembere iyi, imwe yaizviita ihama yavo yakangouya nen’anga yechiMalawi nemukuru wezvigure “vakangotigezesa nemushonga ndokuuraya huku”.

Vanonzi vakabva vatakura mbatya dzemufi nedzevapenyu vainge vagezeswa nemishonga ndokuenda nazvo kusina anoziva.

“Hama iyi yakandipa $0,50c iya ine zuva iyo ndakanotengesa huku iyo ikatora zvinhu zvose nemachira emidzimu aishandiswa naambuya ndokuenda nazvo.”

Anoti mweya kana kuti ngozi yaambuya vake haidi kumuona achiita zvine budiriro muupenyu hwake sezvo apedza kutengesa midziyo yose yemumba uyewo anongobuda kana kuburitswa basa pose paapinda.

“Zviri zvembatya nemachira agogo zvakatorwa handinei nazvo. Chinondinetsa zvinhu zvinondivinga kubasa. Tsoko yakauya ikasvikogara patebhuru yakandidongorera ndiri pareception. Yakazobvapo vamwe vose pakambani vakaungana.

“Mushure memazuva, ndakazomomoterwa nenyuchi muhofisi idzo dzisina kundiruma, asi vamwe kambani yose vakatiza. Ipapo basa rakabva rapera zvandisina kunzwisisa,” anodaro Agini.

Anoti ari kubasa kumwe chete uku, aidzingirirwa nezinyoka zvinova zvimwe zvakatuma vakuru vekambani kuti vamumise basa.

“Mashura aya akaramba achinditevera kubasa apo pareception pakauya

buwebuwe raiva rakakura segonzo rakazouraiwa nemumwe murungu uyo akazotyoka gumbo musi wakare iwoyo.”

Agini anoti pamwe paakazopinda basa zvakare, akangoerekana aburitswa kupera kwegore ra2018.

Imwe nyaya inotyisa iri kuitika pamba pemhuri iyi anoti vakabika bota kana sadza, rinogona kusanduka kuita ruvara rweblue mundiro dzose, voguma vatadza kuridya.

“Ambuya ava vanouya ndichitovaona vachindirova nzeve nematama vachinditi ‘teerera zvandinoreva, pano pamusha hapagarike kana musina kundigadzira, makandiviga sembwa semunhu asina kubereka’.

“Dzimwe nguva, mumba munozara mumvuri muhombe woshaya kwaunobva kana kupinda chamupupuri chotanga kutenderera mumba zvinozondiita kuti nditizire panze,” anodaro

“Chanetsa, mbatya dzaambuya hadzina kugovewa uyewo havana kurohwa guva.

‘‘Mbatya dzavo dzemudzimu bedzi dzakatorwa naiyo hama yedu iyi, hatizive kuti vakanodzishandisa chii. Izvozvi hatibvakachirane, tinonzwa kuti ngozi yaambuya iri kuvaonesawo moto ikoko.”

Agini anoti nekuda kwekunetswa nemweya waambuya vake, akazoenda kukanzuru yeHarare ndokunyorera kuti azive kwavakavigwa uko akanoratidzwa mushure mekubhadhara mari.

“Ndakanoratidzwa nzvimbo yakavigwa mutumbi waambuya vangu apo vanonzi vakavigwa vakawanda kumakuva ekanzuru ari muHarare. Hama dzaambuya vanasekuru nevamwe handisati ndavataurira, ndaida kuti zviitwe nevakuru nekuti kuchine mwana wavo mupenyu,” anodaro.

Anoti mushure mekushaika kwaambuya vake, mumhuri mavo vakazofirarwawo naamai vake Rita Kundayi Mutefu nehanzvadzi yake Patrick Mutefu uyo akashaika mugore ra2001.

“Amai vakafa vave kurwara nepfungwa makore maviri ambuya vafa uyuwo hanzvadzi yangu akangofa nekurwara uyo akazotanga kumuka zvakare apo aiti aida kufukunurwa izvo takaita zvacho zvaida kuitwa mweya wake uchibva wadzikama nekuti guva rake rakanga rashinhirwa,” anodaro.

Votaura nezvenyaya iyi, Mbuya Alice Masoko Kwenda (61) vekuLochnvar, muHarare, vanoti mhuri iyi inofanirwa kubatana varadzike mutumbi wambuya ava patsva zvichitungamirirwa nehama dzavo nevanhu vanoziva chivanhu.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>