Tsumo dzinoreva zvakafanana

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TSUMO ndeimwe nzira yekurunga nayo mutauro wedu ichiburitsa hutsanzi neugo hwemunyori. Tsumo idzodzi dzine tsanangudzo dzadzinopiwa izvo zvinozoita kuti dzimwe dzireve zvakasiyana nedzimwe, dzimwewo dzichireva zvakafanana.

Tinoda kuongorora tsumo dzinoreva zvakafanana. Zhinji dzacho tinoziva zvadzinoreva nekudaro tiripo kungoyeuchidzana.

Chaitemura chava kuseva itsumo inoenderana neinoti chaikanya chototsa kana inoti aiva mazambuko ava madziva. Tsumo idzi dzinoreva kuti pane vanhu vanembenge vachishaya chokubata muhupenyu vachidya nhoko dzezvironda asi matenga ozovazarukira. Vanogona kutozoita njonda muhupenyu. Tinofanirwa kuziva kuti zvakasiyana nekuti aiva madziva ava mazambuko.

Vakuru vanoti kurova imbwa wakabata nyama. Iyi itsumo inoreva zvakafanana neinoti kugona mbavha huirongera.Tinoshandisa tsumo iyi kureva kuti kana tichinge tichida kuti tisvike pachinhu chinonetsa kusvikira, tinofanirwa kutsvaga nzira yekuchikwezva nacho kuti tisvike pachiri. Angava munhu anonetsa kusvikira kana kubata, vanhu vanofanirwa kutsvaga zvaanonyanyofarira votungamidza izvozvo.

Tinoti ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.Tsumo iyi inoreva zvakafanana neinoti akanga nyimo avangarara. Inoreva zvakafanana zvakare neinoti wogotya sei kudonha ropa iwe waichemera nyora. Uku kutaura kwakadzama kunoreva kuti kana munhu azvipira kuita chinhu chakaoma, ngaachiregedza kufunga zvakaipa zvinogona kuitika kwaari kubudikidza nekuita chinhu chaarovera mwoyo kudombo kuita. Hapachisina kudududza chero kusangana nezvimhingamupinyi.

Tsumo inoti kurumwa nechekuchera inoreva zvakafanana neinoti kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma. Izvi zvinoreva kuti munhu anogona kuitira munhu zvinhu zvakanaka muhupenyu asi iye munhu uya anogona kuzomupandukira ava kutomuitira zvinomurwadza. Zvese zvakanaka zvaaiitirwa anozvikanganwa pedzezvo otoitira hutsinye uya amuitira mutsa nezvese zvakanaka.

Chinotaura ndechiri mumusungo, chiri muriva chinoti denga rawa. Zvakafanana netsumo inoti kukurukura hunge wapotswa. Tsumo idzi dzinotaurwa paya panenge papona munhu munjodzi huru. Panogona kunge paitika chiitiko chaparadza vanhu vakawanda setsaona kana mafashama emvura zvekuti anenge otaura apona kubva mutsaona iyoyo nekuti washaya haachatauri. Panenge pasina rugare panenge pachitaurwa zvepfumvu yakaponwa nemunhu.

Hanzi navakuru chisi chako rembedza, usakungira hata sechako. Zvakafanana netsumo inoti chisi chako masimba mashoma. Apa tinenge tichiyambirana kuti tisanyinde nezvinhu zvisiri zvedu.

Munhu haagoni kutongera munhu zvaanoda pamusoro pechinhu chake. Unotongomusiya akadaro achiita zvaanoda nacho nekuti ndechake.

Share This:

Sponsored Links