Uncategorized

Tsvina yemunhu semupfuhwira

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Gibson Mhaka —
Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi Florence Maregere akafunga kuti rudo rwake nemurume wake — Amos Mashamwari — rwaizokura kana murume uyu adya mupfuhwira une mushonga wakasanganiswa netsvina yake izvo akange agadzira, asi zvakakona n’anga murapwa achida sezvo akapotsa auraya murume.MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, murume wekuChikondori, kwaMambo Ndanga, kuZaka akapotsa afa mushure mekunge adyiswa mupfuhwira waive wakasanganiswa tsvina yemunhu nemimwe mishonga nemudzimai wake zvikamusiya orwara zvikuru.

Mashamwari anonzi akatanga kuchema nemarwadzo emudumbu mushure mekudya zvishoma chikafu chainge chagadzirwa naMaregere.

Mashamwari anonzi akatozopona nekurutsa mushure mekunge aendeswa kune mumwe muporofita, uyo akamunwisa mukaka wakasanganiswa nemunyu.

Zvinonzi mushure mekunge murume wake atanga kurwara, Maregere akabva adura kuhama dzemurume kuti akange amupa mupfuhwira wakasanganiswa tsvina yake nemishonga yachivanhu nechinangwa chekuti rudo pakati pevaviri ava rwunyatsobaka semoto.

Mudzimai uyu anoti akaudzwa neshamwari yake kuti mupfuhwira wemhando iyi waizoshanda zvikuru kuti rudo rwupfumbire pakati pake nemurume wake.

Mumwe ari pedyo uye ari kuziva nezvenyaya iyi uye achigara munharaunda, anoti Maregere akazovhunduka zvikuru nekurwara kwakaita murume wake apo akange oumburuka nekuda kwekurwadziwa kwaaiitwa nemudumbu zvikaita kuti apedzisire adura zvaakanga amuita.

Mashamwari – uyo achiri kumboterera marwadzo emuviri wake – anoti haasisina zvaachada kunzwa pamusoro pemudzimai uyu asi kuti akangomirira bedzi kuti nyaya iyi ipinde mudare raMambo Ndanga, uko Maregere anogona kupihwa chirango chekubvisa faindi pamusoro pehuny’an’ya hwaakaita.

Mambo Ndanga vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti vakamirira kunzwa kuti zvakanyatsofamba sei kana ichinge yazopinda mudare ravo.

“Ichokwadi, nyaya yakadaro yakaitika kunyangwe zvazvo ndakamirira kunzwa zvizere kana ichinge yazopinda mudare rangu. Hakasi kekutanga tichitonga nyaya dzemupfuhwira asi iyi ine musiyano nedzimwe nekuti iri kutaurwa nhau dzemupfuhwira wakasanganiswa netsvina yemunhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links