Uncategorized

‘Uku kuisa upenyu panjodzi’

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Uku kuisa upenyu panjodzi’ Dr Madzima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA dzekubviswa kwepamuviri nerweseri imhosva huru munyika muno pasi pemutemo weTermination of Pregnancy Act sezvo zvichingoitwa bedzi zviri pamutemo kana pamuviri ipapo pachinge pachipinza utano hwaamai kana mwana panyatwa, pari pechibharo kana kuti pakaitwa nemakunakuna.

MuZimbabwe, madzimai nevanasikana vari kuchemera kuti kudai mutemo uyu watarisa zvakare nyaya dzekubviswa kwepamuviri pasina kutarisa zvikonzero zvitatu bedzi zviri sezvo vachiti vamwe vanogona kubata pamuviri pavasingadi nekuda kwezvimwe zvikonzero sekusabvumiwa nemishonga yekurera mhuri, kudhura kana kushaikwa kwemishonga, pakati pezvimwe.

Pamusoro pezvo, vanoti kunyangwe munhu achifanira kunge achibviswa pamuviri zviri pamutemo, matare edzimhosva ari kutora nguva refu kupa mvumo yekubviswa mimba, izvo zvinoita kuti pazokundikana kubva sezvo panenge pakura zvekudarika masvondo makumi maviri nemana anodiwa pasi pamutemo.

Dr Bernard Madzima, avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti kubvisa pamuviri nerweseri kunounza matambudziko akaita serufu apo madzimai anorasikirwa neropa rakawanda.

“Zvinourayisa nekuti munhu anogona kurasikirwa neropa rakawanda, kurwadziwa nemudumbu muura zvichiunza utachiona munhu ogumisira afa. Zvisinei, muzvipatara mudzimai wose anenge abvisa pamuviri anorapwa yatinoti Post Abortal Care Treatment pasina kumusungisa kana kumufumura, chinangwa chiri chekuderedza ndufu dzemadzimai nevanasikana vanenge vapinda mutsekwende idzi,” vanodaro.

Mai Edinah Masiyiwa vanova executive director kusangano rinomiririra kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), vanoti munhu anogona kuzokundikana kubara zvachose kana achinge abvisa pamuviri nerweseri.

“Vanhu vanoshandisa mishonga nemimwe midziyo inokuvadza chibereko zvinoita kuti munhu arasikirwe neropa rakawanda kana kuita utachiona ogumisira afa kana kuzotadza kuita mwana kweupenyu hwake hwose. Vamwewo ndivo vanokundikana kubvumiwa nemapiritsi ekurera mhuri voita pamuviri pasina kurongeka, vobva vatora danho rekuda kubvisa nhumbu,” vanodaro.

Vanoti mutemo wekubvisa pamuviri unofanira kucherechedzwa zvakare kuitira kuti urerutsire madzimai senzira yekuderedza ndufu.

“Kana madzimai akapihwa mvumo yekubvisa pamuviri zviri pamutemo pasina kutarisa zvikonzero zvakawanda, ndufu dzevana nemadzimai dzinoderera nekuti zvinenge zvava kuitwa muzvipatara nenyanzvi dzakafundira basa,” vanodaro.

Gwaro rakanyorwa nesangano reUnicef mugore ra2016 rinoratidza kuti nhumbu 70 000 kusvika 80 000 dziri kubviswa pagore munyika muno uye sangano rePopulation Service rinoti chikamu che25 percent chevana vasati vabva zera chiri kuita pamuviri.

Mai Masiyiwa vanoti vanasikana vachiri vadiki nemadzimai akaroorwa ndivo vari kubvisa pamuviri zvakanyanya.

“Vanasikana vasati vabva zera ndivo vari kubvisa pamuviri zvakanyanya nekuti munyika hamusati mava nemizinda kwayo inoenderana navo kuti vange vachikwanisa kutenga mishonga yekurera mhuri (Youth Friendly Corners).

“Apowo, madzimai ari muwanano achiita izviwo muchihwande nekutyira wanano dzavo kana kudhurirwa nemishonga yekurera mhuri,” vanodaro.

MuAfrica, pakati pemakore a2010 na2014 mimba dzakabviswa dzinonzi dzinosvika 8,2 miriyoni pagore zvinova zvakaita kuti hurumende dzenyika dzakasiyana dzinge dzichipa mvumo yekuti madzimai anenge abvisa pamuviri ange achirapwa muzvipatara pasina kufumurwa senzira yekuderedza ndufu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>