unicef yakapa mabhasikoro 3000

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
unicef yakapa  mabhasikoro 3000 Wadzanai Ditimu a village health worker on her bicycle donated by UNICEF while Principal Director Curative Services Sydney Makarawo (right),UNICEF Chief of Health and Nutrition Nejmudin Bilal (second from right) and other health workers look on during a handover ceremony in Beatrice yesterday. Picture by Justin Mutenda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reUnicef svondo rino rakapa mabhasikoro 3 000 kubazi rezveutano nekurerwa kwevana ayo achashandiswa nevabatsiri vevarapi vanoshandira kumaruwa (village health workers) senzira yekusimudzira nyaya dzeutano hwemadzimai akazvitakura pamwe nevana. Mabhasikoro aya akapihwa kubazi iri pachipatara cheBeatrice District Hospital, kuBeatrice, uye akatengwa nerutsigiro rwemari yakabva kuboka reGerman National Committe.

Dr Nejmudin Bilal, avo vanova chief health officer kuUnicef, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira utano hwemadzimai akazvitakura pamwe nevana.

“Rimwe dambudziko riri kukanganisa kuwaniswa utano kune veruzhinji kushaikwa kwezvekushandisa nekukasika uye zvakakwana kumaruwa. Mabhasikoro aya akakosha zvikuru kuvarapi vekumaruwa uye anovabatsira kuti vakwanise kutenderera munzvimbo dzakasiyana dzinogona kunge dzichikundikana panyaya dzeutano,” vanodaro.

Varapi vekumaruwa vanoita basa guru rekusimudzira nyaya dzeutano muZimbabwe izvo zviri kuita kuti paonekwe budiriro huru sekuwanda kwemadzimai ari kunyoresa pamuviri nekusunungukira muzvipatara, kubaiswa kwevana majekiseni anodzivirira zvirwere, kuderera kwezvirwere zvisina zviratidzo zvepachena nekuderera kwendufu dzemadzimai nevana panguva yekusununguka.

VaSydney Makarawo, vanova director weCurative Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti varapi vekumaruwa vanofanira kutsigirwa kuitira kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveSustainable Development Goals.

Kunze kwekutenga mabhasikoro, Unicef inotsigira varapi vekumaruwa kuburikidza nekuvatengera mishonga nemimwe midziyo inodiwa muzvipatara pamwe nekuvandudza ruzivo rwavo.

Pamusoro pezvo, Unicef iri kushanda pamwe neHurumende mukutsigira homwe yezveutano (Health Development Fund) nekuita ongororo yekuona kuti varapi vekumaruwa vari kushanda nemazvo here.

Share This:

Sponsored Links