Uncategorized

Unopfekwa sesutu naSatani

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

MUNYIKA ino takagarisana nemweya mizhinji yakaipa, zvekuti dai Mwari vaimbotipa maziso emweya kuti tione, vamwe vedu tairohwa nehana tobva tafa.

Tine vamwe vanhu vatinoshanda navo, vamwe vatinotaura navo, kana kutengesa navo pamusika, asi vasiri vanhu. Munyika ino tiri muhondo nemweya yerima. Nhamo iripo ndeyekuti nguva zhinji, hatione kana kuziva kuti tiri kurwiswa kana kushandiswa.

Tinongorarama takakwidibirwa nekudokerwa senhunzi yatevera chitunha mugomba reguva.

Kana Nicole, musikana wekubuda muKwayedza svondo yakapera achitaura zviri kuitika kwaari nekuda kwemweya yenjuzu, zvinoita sekuti hakuna zvakadaro. Nicole anonzwisa tsitsi, kutozvitorawo selfie achiona munhu, asi paanotumira selfie iye yosvika wave mufananidzo wemuviri wenjuzu.

Izvi zviratidzo zvekutaura kuti madhimoni anyatsotonga, asi nyangwe zvikaita sekuti madhimoni amera midzi, anobva chete.

Hapana aifunga kuti Rigiyoni aigara kumarinda akasungwa angazowanikwa akatogara achitaura naJesu.

Ngaticherechedzei mashoko aNicole. Ngatisachiva vanhu vane mari zhinji nekuti vamwe vavo vari kurarama hupenyu huviri – hwatinoona nehumwe hwekudyidzana nemweya yerima.

Rima riri kurwerwa rute munyika ino. Ndinonamata ndichitenda Mwari vari kuita kuti Nicole arambe kurarama kwekuchata naSatani.

Inguva zhinji Satani paanopfeka vanhu. Variko vanhu vanonyatsozviziva kuti zvavanoita hazvisi zvega, asi vanhu ivavo kusiyana kwavo naNicole ndekwekuti vanoramba vakanyarara, vachisimbisa hukama hwavo nerima.

Kana uchinzwa kutyisa kwenyaya yaNicole, namata uchibvunza Mwari kuti uri wega here kana kuti hupenyu hwako hwakaremerwa nemabhegi erima rinofamba newe?

Ichokwadi unogona kunge uchishandiswawo naSatani asi usingazive. Saka kunamata uchitaura wega nemuromo wako, uchipopotera mweya iyoyo zvinhu zvinokubatsira. Nyaya iripo ndeyekuti mweya yakaipa inotsvaga vanhu vanobvuma kuti iwane pekusvikira.

Kana ukasarohwa nehana kana kuramba mweya iyoyo painouya ichiti gogogoi, uchenjere kuti unenge watoipa mvumo.

Chandakadzidza ndechekuti sezvo vanhu vazhinji vachipfekwa nemweya yerima, usangosiya vachitaura zvavanoda muhupenyu hwako. Vamwe vanhu vakawanda vanotori patiketi raSatani.

Satani anoshandisa vanhu vake kuti akutonongore kunge chibage chiri pamuguri. Peter akapfekwa sesutu naSatani akashandiswa kurambidza Jesu kuti ataure kuti achafira zvivi zvevanhu.

Pakuona kwedu, tinoti Jesu akatuka Peter paye paakati, “Ibva kwandiri Satani” asi pamweya Jesu akanga achiona Satani apinda muna Peter.

Nhaiwe muverengi weKwayedza, unombofunga dzimwe pfungwa dzinotyisa here zvekuti wega unozoti, “Kwete, ini handife ndakaita zvinhu izvozvo?”  Ukaona zvakadaro zvichimboitika, ziva kuti une hondo nerima zvekuti kana ukasasimba kuramba, Satani anongouyawo otanga kuroja mupfungwa dzako asi asingabhadhare mvura, imba kana magetsi.

Unogona kufunga kuti ndiri kukufurisa dzihwa setishu, asi ichokwadi kuti mwoyo wako nepfungwa zviri kudhonzeranwa. Achatonga nekukutungamirira hupenyu hwako ndiMwari here kana kuti Satani?

Chokwadi chandakadzidza mushoko raMwari ndechekuti kana usingade kupfekwa nekushandiswa naSatani, ramba.

Imwe nhamo yatiinayo ndeyevanhu vanotiudza kuti vanoshandira, asi vasingataure kuti kushandira kwavo kushandira rima kuti Satani awane vanhu.

Iko zvino Nicole asvika padanho rakanaka kwazvo rekuramba mweya yenjuzu.

Ngaarege kunyeperwa kuti anourayiwa. Zviri nani kufa uchiramba Satani pane kufa uri muroyi woshaya denga.

Bhaibheri rinoti, “Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.”

Kana wangoziva chete kuti Satani ari kuda kukuridza sengoma, unorambirei wakati favava iye achigadzirira kukutsemura?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>