Uncategorized

‘Upfumi hweZim hwakadzikama’

22 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
‘Upfumi hweZim  hwakadzikama’

Kwayedza

Oliver Kazunga

CHIRWERE cheCovid-19 hachizi kuzodzosera kumashure budiriro yeupfumi hwenyika yavepo pari zvino iyo icharamba iripo muna2022, gurukota rezvemari Professor Mthuli Ncube, vanodaro.

Zvisinei nekunyuka kwechirwere cheCovid-19 mukutanga kwegore rapera, izvo zvakaita kuti pave nechirongwa chelockdown senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri, Prof Ncube vanoti budiriro yakavepo pasi pechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme (TSP) (2018-2020) icho chakaisa nyika pahwaro hwakasimba haikanganiswe nekuvepo kwechirwere ichi.

Pari zvino Zimbabwe iri pakati pekurwisa kunyuka kechina kwechirwere cheCovid-19 uye Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho aripo ekumisa kupararira kwedenda iri ayo anosanganisira kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichochi.

Muhurukuro mushure mekuparura zviri pamutemo kupinda kweBindura Nickel Corporation pamusika wemari weVictoria Falls Stock Exchange (VFEX) svondo rapera, Prof Ncube vanoti mamiriro eupfumi hwenyika akadzikama zvisinei nekuvepo kwechirwere ichi.

“Ndinofara nekudzikama kwakaita zvinhu munyaya dzeupfumi, chikero chekukwira kwezvinhu (inflation) chiri kudzikira, zvose izvi ibudiriro yakanaka kana tichitarisa matanho akatorwa nebhanga guru renyika reCentral Bank uye nemamwe ari kutorwa nebazi rezvehomwe yenyika,” vanodaro.

Prof Ncube vanoenderera mberi vachiti, “Kunyangwe zvazvo chirwere cheCovid-19 chichiri njodzi, tinotarisira kuti budiriro iyi icharamba iripo apo tiri kupinda mugore rinotevera.”

Prof Ncube vanokurudzira zvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti vave nechikamu chavanoita mukurwisa kupararira kwedenda iri, kusanganisira kubaiwa nhomba dzeCovid-19.

“Tichaona kuti takurudzira vanhu vose kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere ichi, ndiyo yoga nzira yekuti tikwanise kurwisa kupararira kwedenda irori,” vanodaro Prof Ncube.

“Kubaiwa nhomba inzira zvakare yekudzoreredza upfumi hwenyika nekuti tinokwanisa kufambisa nyaya dzebudiriro yeupfumi zvakanaka kana munhu wose abaiwa nhomba. Izvi zvakakosha zvikuru uye tinotarisira kuti upfumi hwenyika huchasimukira nechikamu che5,5 percent muna2022,” vanodaro.

Zimbabwe inotarisirwa kupedza gore rino yasimukira munyaya dzeupfumi nechikamu che7,8 percent cheGross Domestic Product (GDP) zvichitevera budiriro yakavepo munyaya dzekurima apo mvura yakanaya zvakanaka mwaka wadarika.

Zvisinei, Prof Ncube vanoti budiriro yechikamu chezvekushanyirwa kwenyika yadzoserwa kumashure zvakanyanya nekuda kweCovid-19.

“Tinoshuvira kuti kudai taita zvakanaka muchikamu ichi asi denda iri riri kutikanganisa panyaya yekutsigira budiriro yezvekushanyirwa. Asi tinoramba tichitsigira indasitiri iyi nechinangwa chekuti tiidzoreredze,” vanodaro Prof Ncube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>